‘Siyanai nezvinodhaka’

24 Feb, 2022 - 09:02 0 Views
‘Siyanai nezvinodhaka’

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-Jazz, Precious ‘Mr P’ Hanya anoti vaimbi nevanoita zvemadhirama nemafirimu vanofanirwa kutora chikamu chikuru mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka kuburikidza nekupa chenjedzo kune vechidiki. Achitaura ari kunyika yeSouth Africa uko anogara achitsikisa mhanzi yake, Mr P anoti vaimbi vanofanirwa kupa mucherechedzo wakanaka kune vechidiki.

Mr P, uyo anozivikanwa nenziyo dzinosanganisira Soft Life, anoti, “Ibasa redu sevaimbi kuparidza shoko kune veruzhinji, kunyanya vechidiki, kuti vasiyane nekutora zvinodhaka. Zvinodhaka idambudziko chairo iro riri kukanganisa remangwana revechidiki.

“Saka ndinoti vaimbi ngatitore chikamu chikuru mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka uye ngatishande nesimba mukupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pehuipi hwezvinodhaka izvi.”

Mr P anoti kune vamwe vaimbi vari kutora zvinodhaka avo vanofanirwa kusiyana nekatsika aka. “Zvamunoona, vechidiki kana vanhu vakuru vacho vachititarisa isu sevaimbi vanenge vachiona tiri mucherechedzo wakanaka. Saka kazhinji vanoda kutevedzera zvatinenge tichiita muupenyu hwedu nekudaro ngatisiyane netsika iyi yekutora zvinodhaka titange kuparidza shoko rekuti zvinodhaka zvisatorwe nevechidiki nekuti zvaparadza upenyu hwevakawanda,” anodaro.

Muimbi uyu achangobva kubura dambarefu rake rechitatu rinonzi Mixed Bag iro ranetsa nenziyo dzinosanganisira Purezha, Soft Life naBaba naAmai.

Pari zvino anoti ari pakati pekutsikisa mavhidhiyo enziyo dziri padambarefu iri.

“Dambarefu rangu Mixed Bag rakatambirwa zvikuru nevatsigiri vemhanzi zvekuti zvandituma kubika mavhidhiyo acho. “Tine mufaro kuti takavhurirwa mukana wekutanga kuita mashoo. Saka tiri kuronga kutanga kuridza timbofadza vatsigiri vedu avo vange vasuwa zvikuru kutiona tichiridza,” anodaro Mr P.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey