Uncategorized

‘Sori murume wangu . . . Ndinokuripa kana nemombe’

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘Sori murume wangu . . .  Ndinokuripa kana nemombe’ Hazvinei Zhuwawu — Mifananidzo naEdward Zvemisha

Kwayedza

‘NDINE ZVIKOMBA 2’

Kingstone Mapupu
“SORI kani sori! Ndati sori kani murume wangu, ndiregererewo purizi, ndine zvikomba zviviri. Ndakatadza, kana kukuripa ndinokuripa zvangu.”

Aya mashoko ari kuudzwa murume nemudzimai wake mbune avo vanogara mumusha weArdbennie, muHarare.

Mukadzi uyu ari kukumbira ruregerero kumurume wake mushure mekunge aita gumbo mumba gumbo kunze.

Hazvinei Zhuwawu (39) — uyo akaroorwa naJohn Makore (57), vose vachibva mubhuku raTsoka, kwaRukweza, kwaRusape — ari kubuda pachena kuti ane zvikomba zviviri izvo zvaari kudanana nazvo pari zvino.

Kuratidza kuti atadza kupedza dambudziko rake oga, mudzimai uyu asvika pakukumbira kune veruzhinji “kuti vandibatsirewo”.

Kwayedza yakaita hurukuro svondo rapera nemudzimai uyu pamwe chete nemurume wake, uyo anoshanda sa“caretaker” pachimwe chikoro chiri muArdbennie.

Nyaya yekuti mudzimai wemunhu uyu ane zvikomba yakabuda masvondo mashoma adarika apo murume wake akaenda kumusha ndokunobatikidza mashoko erudo kubva kuzvikomba zviviri izvi panhare yemukadzi wake.

Hazvinei anobvuma kuKwayedza pamberi pemurume wake kuti ane zvikomba zviviri zviri kumusha kwavo kwaRusape izvo zvaari kupengesana nazvo. Zvose!

“Nyaya yamunondibvunza iyi handinyare kuitaura. Ndinazvo zvikomba zviviri zvinoti Tinashe Pakuwe wemubhuku raMacheme naTendai Chapambare uyo anova bhiridha wemumusha waMupambawashe.

“Mumwe wezvikomba zvangu izvi, Tendai Chapambare ane madzimai maviri kumba kwake kureva kuti ini nditori wechitatu,” anodaro Hazvinei apo ainge agere pamubhedha nemurume wake.

Hazvinei nemurume wake vakaroorana mugore ra2000 uye vane vana vaviri.

Mudzimai uyu anoti murume wake haana simba mumachira, izvo zvinoita kuti “ndipoye mumba”.

“Chakandituma kuita zvikomba inyaya yekuti baba havana simba pabonde kubva tichiroorana. Saka ndakazotsvaga zvikomba zviviri izvi kuti zvindipedze nyota.

“Chinondinetsa ndechekuti murume wangu ndinomuti ngatifambei tigadzirise dambudziko rake asi iye anoramba kusvikira ndazvitsvagira varume vaviri ava,” anodaro Hazvinei asina kana nyadzi.

Achibvunzwa neKwayedza kuti aimborarama sei kubva pavakaroorana sezvo mumba magara musina moto, Hazvinei anoti agara achingoshingirira kudzimara zvazomukundawo.

John Makore

“Tendai ndakadanana naye mumwedzi waZvita mugore ra2018 uyuwo Tinashe ndikadanana naye mwedzi 7 yadarika. Vose ndaivaitira zvavanoda kumusha musango riri padhuze negomo rinonzi Madhanga,” anodaro.

Makore anoti akabata mashoko munhare yemudzimai wake anoratidza kuti ndiye anotopa zvikomba zviviri izvi mari yedoro neyekutenga fodya kubva pamari yaanomupa yekushandisa semhuri.

Zvisinei nekuti ane zvikomba zviviri, Hazvinei anoti murume wake anomuda uye kana achida kuripwa nekuda kwehupombwe uhwu, anogona kumuripa nemombe chaiyo.

“Murume wangu ndinomuda, kana achida zvake kuripwa kana nemombe chaiyo ndinotsvaga zvangu nekuti ndakamukanganisira. Ndinotoda kubatsirwa kuti ndirambane nezvikomba izvi. Kana paine vanogona kundisunga kuti ndisakwanise kuita mumwe murume kunze kwemurume wangu uyu ngavandibatsire nekuti imba yangu ndinoida,” anodaro Hazvinei.

Anoenderera mberi: “Sori, ndati sori kani murume wangu. Ndiregererewo nekuti zvikomba ndinazvo — zviviri.

“Ndakakunganisira kana kukuripa ndinokuripa zvangu.”

Hazvinei anogara kumusha nemumwe mwana wavo uko anopinda chikoro, murume wake achigara pabasa muHarare.

Hazvinei anoti nyaya yake yekuita zvikomba yakasvika kuhanzvadzi dzake kumusha kwavo.

Uyuwo Makore anotsinhira nyaya yekuti haana simba pabonde, rinova dambudziko raanoti akagara ainaro uye rakazowedzera apo vakaita mwana wechipiri.

“Zvakatanga zvazvo kare ndisingakwanise kuita bonde zvakanaka. Zvakazowedzera taita mwana wedu wechipiri. Izvozvi hapasisina zvachose, kungogara zvedu.

“Asi handizvo zvingakonzereka kuti mukadzi wangu atsvage zvikomba, hazviiteba. Mubvunzei kuti akamboenda here kuhama dzangu kuti tifambe.

“Ndinomuchengeta mukadzi uyu, izvozvi tine huku dzemabroiler kumusha, ndakavaka bhedhuru idzva rinoyera. Takakomberedza bindu redu newaya, tine mombe uye ndakatenga mapombi ekuti tiite madiridziro. Asi zvose izvi haazvione,” anodaro murume uyu apo ainge agere akatambarara makumbo pamubhedha vose naHazvinei.

Murume uyu anoti anotiwo anoda kubatsirwa padambudziko rake.

Anotiwo anorwadziwa nemudumbu nechepaguvhu.

Makore anoti anoda kuripwa nemombe nhanhatu nezvikomba zviviri zvemudzimai wake izvi nekumukanganisira kwazvakaita.

“Mudzimai uyu akanogara kumusha apo takapazirwa imba yedu nekanzuru yeHarare mugore ra2005, ini ndokusara kuno kuHarare,” anodaro.

Zvichakadai, mwanasikana mukuru wevaviri ava anonzi anoziva hunhu hwaamai vake uye akatombovatsiura.

Mwana uyu — uyo ari kugara nababa vake — anonzi nyaya yekuita gumbo mumba gumbo kunze yaamai vake yave kumukanganisa kudzidza zvakanaka.

“Kunetsana kwedu nekuda kwezvikomba zvemudzimai wangu kwakanganisa vana vedu — kunyanya mukuru wacho — uyo ave kutoda kuramba chikoro nekuti ari kuti hapana zviri kutaurwa nevadzidzisi zviri kupinda mumusoro make,” anodaro Makore.

Nharembozha yaHazvinei iyo murume wake akawana iine mashoko ezvikomba yakatorwa naMakore uyo ave kugara nayo.

Share This:

Sponsored Links