‘Sori ndakadanana nemurume wenyu’

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Janet Chari—

MUKADZI wekudanana nemurume wemuridzi ava kuzvidemba sezvo achiti ari kugara achirikitwa kurohwa nemudzimai wemurume uyu achiita zvekumukutsirana nehama neshamwari dzake.Primrose Nyatondo amhan’arira mudzimai wechikomba chake anonzi Lilian Juzuwell kudare reHarare Civil Court achiti ari kumuonesa ndondo kubvira musi waaziva kuti ari kufambidzana nemurume wake.

“Ndakambodanana nemurume wamai ava asi pandakaziva kuti vazvibata, ndakabva ndasiyana nemurume wavo asi ivo havasi kuda kusiyana neni,” anodaro Nyatondo.

Anoti pose Juzuwell paanoshaiwa murume wake kumba, anoenda kumba kwake kunopopota uye kana akada kubuda panze kuti vataurirane, anobva atanga kumurova zvekuti ave kunyara kufamba nekuti vavakidzani vave kumuseka.

“Anopopota zvekuti nevanhu vanenge varara vanomuka vachinzwa zvinova zvinondibvisa chimiro,” anodaro Nyatondo.

Anoti Juzuwell akatoudza hama dzake pamusoro penyaya iyi uye padzinosangana naye dzinotanga kumurova, kupotsera matambo nekumutuka zvinyadzi.

“Handichaziva kuti ndotiza musha here nokuti mai ava vanotuma hama neshamwari dzavo kuti dzindinyadzise pamberi pemwana wangu,” anodaro Nyatondo.

Achipawo divi rake, Juzuwell anoti ari kushungurudza Nyatondo nekuti anodanana nemurume wake.

“Akaudza murume wangu kuti sei akauya kuzogara pedyo naye iye achiziva kuti anomuda, zvinoreva kuti ari kutopfimba murume wangu,” anodaro Juzuwell.

Anoti murume wake akamuudza kuti haachadi nezvaNyatondo asi ari kuramba achingofona achimutuka kana akaregedza kumuona.

“Haanyari kuti murume waari kudanana naye ane mukadzi,” anodaro Juzuwell.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Nyatondo gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links