(SPONSORED) Kugovewa kwemidziyo yewanano pakurambana

07 Aug, 2020 - 15:08 0 Views
(SPONSORED) Kugovewa kwemidziyo yewanano pakurambana

Kwayedza

Danai Chirawu

WANANO dzose dzakanyoreswa muZimbabwe, kureva kuti iri pasi pemutemo weMarriage Act (Chapter 5:11) neCustomary Marriages Act (Chapter 5:07) inopfudziswa kuburikidza nematare edzimhosva.

Mutemo weMatrimonial Causes Act (Chapter 5:13), uyo wakadzikwa mugore ra1983,  ndiwo unoshandiswa pakupfudza wanano muZimbabwe.

 Pakupa mutongo wekurambana, dare rinotarisa kana pasina mukana wekuti vaviri vanenge vachida kurambana vachadzokerana zvakare here, kuti vakaita vana vose here uye kuti achachengeta vana ndiani.

Dare rinotarisa nyaya yemendenenzi yekuchengetwa kuchazoitwa vana kana kuti mudzimai zvakare .

Mushure mezvo, rinotarisawo nyaya yekugovewa kwemidziyo pasi pechikamu cheSection 7 chemutemo weMatrimonial Causes Act and in Section 7(4) icho chinotaura nezvemagoverwo emidziyo iyi.

Chekutanga, pakugovewa kwemidziyo, dare rinotarisa midziyo yemumwe nemumwe wevaviri vari muwanano yakanyoreswa mumazita avo asi vakaiwana vave vose.

Mugore ra2020, pane nyaya yakapinda mudare guru reSupreme Court yaMhora vs. Mhora, apo dare iri rakapa mudzimai chikamu che50 precent chemidziyo yaive yakanyoreswa muzita rake remurume wake.

Midziyo chete isingagovewe ndeiyo inenge yapihwa umboo hunogutsa dare kuti yakawanikwa kuburikidza nenhaka kana kuti ine humwe hukoshi hunotsanangurika.

Chikamu cheS7(4) cheMatrimonial Causes Act chinoti pakugova mudziyo, dare rinotarisa zvinosanganisira zvinotevera:

1.Nyaya dzekuwanikwa kwemari yeraramo yemudzimai nevana mune remangwana. Muenzaniso unosanganisira panezenge pachigara mudzimai nevana

2.Hupenyu hwekurarama kwemhuri, kusanganisira nyaya dzedzidzo kana makosi anoda kuzoitwa nevana. Iyi inyaya inoenderana nemendenenzi yevana kana mudzimai.

  1. Zera uye mamiriro epfungwa dzemudzimai nevana. Nyaya yezera revana ine chekuita nekuti ndiani anopihwa kodzero dzekuzochengeta vana. Kana vana vari pasi pemakore 18 okuberekwa, dare rinotarisa kuti anochengeta vana anofanirwa kunge aine pekugara pakanaka. Mumwe wevaviri vari kurambana anogona kunge aine dambudziko rezveutano rinoda kuti azobatsirwa nemari yekurapwa nekudaro dare rinotarisa zvose izvi

4.Hukoshi hwezvinofanirwa kuwanikwa nemudzimai kana vana, kusanganisira nyaya dzepenjeni, izvo vanorasikirwa nazvo mushure mekurambana. Munyaya yaMhora, dare rakatarisa kuti murume aive pamudyandigere asi mudzimai asingashande.

5.Makore agara vaviri muwanano anotariswa zvakare. Kugovewa kwemidziyo yewanano kunosiyana nemakore anenge agara vaviri vari vose.

Kubvira muna1983, matare ari kuenda pakadzama maringe nemutemo weMatrimonial Causes Act nechinangwa chekuti pave nekugovewa kwemidziyo yewanano zvakaenzana kana murume nemudzimai vave kurambana. Matare anotarisa zvakasiyana-siyana pakati pevarume nemadzimai nekuti chikamu che24 percent chemadzimai ndicho chete chine midziyo yavanoti ndeyavo. Danho riri kutorwa rematare iri rakanaka zvikuru nekuti rinoita kuti midziyo igovewe zvakaenzana pakuramba.

  • Kana pane zvamunoda kuziva tibatei padandemutande rinoti [email protected].  Tarisirai chinyorwa chinotevera muKwayedza nemusi weChina woga-woga.

Pakumhan’ara nyaya dzemhirozhonga, tibatei panhare dzepachena 08080131: Hotline 0782900900

Rangarirai kupfeka mamask nguva dzose dzamunoenda panzvimbo dzine veruzhinji, musaite chitsokotsoko uye gezai mawoko enyu nesipo.

Share This:

Sponsored Links