St John’s High iNo. 1

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
St John’s High iNo. 1 VaFrancis Mashonga vachitaridza mukombe wakahwinhwa nechikoro chavo mumakwikwi ekwizi kuSouth Africa

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
Chikoro cheSt John’s High School Emerald Hill icho chiri muHarare nguva pfupi yadarika chakahwinha mukombe mukuru mumakwikwi ekurodza pfungwa dzevana ekwizi (quiz), eThabo Mbeki Legacy Trophy, kuSouth Africa. Mukuru wechikoro ichi, VaFrancis Mashonga, vanoti vana vavo vakadadisa apo vakakunda vamwe vemuZimbabwe, Zambia neSouth Africa mumakwikwi aya.

“Ndiri kunzwa kufara zvikuru kuti chikoro chedu ndicho chakatora mukombe uyu chakamirira Zimbabwe pamakwikwi akaitwa pakati penyika nhatu idzi. Uyu mucherechedzo wekuvandudza kwatiri kuita dzidzo yedu senyika uye sechikoro. Ndiko kekutanga sechikoro kutora mukombe uyu. Izvi ndinovimba zvinopa vadzidzisi vedu manyukunyuku ekuti vaenderere mberi nekupa dzidzo yepamusoro kuvana,” vanodaro.

“Zvinofadzawo zvakare kuti vana vedu vane hunyanzvi hwekukwikwidza vakamirira nyika yeZimbabwe. Kuti chikoro chedu chizopinda mumakwikwi aya, chakanga chiri pazvikoro zvitanhatu zvakakunda pamakwikwi akaitirwa muno munyika ekusarudza shasha dzaizoenda kunokwikwidza kuSouth Africa. Pazvikoro zvitanhatu zvakaenda zvakamirira Zimbabwe, tisu takazotora chidanho chekutanga kukunda zvatakaenda nazvo pamwe chete nezvekuSouth Africa neZambia,” vanodaro VaMashonga.

VaFrancis Mashonga vachitaridza mari yakahwinhwa nechikoro chavo mumakwikwi ekwizi

VaMashonga vanoti chikoro chavo chakawana mibairo yakasiyana zvichitevera kukunda kwavakaita mumakwikwi aya.

“Kutora kwatakaita chidanho chekutanga uku kwakaita kuti tiwane mukombe, mari yakapihwa kuchikoro inoita R15 000 pamwe chete neR850 000 yemabhezari (scholarships) evana vakakwikwidza vepachikoro chedu yekuti vazoshandisa kana vava kuita zvidzidzo zvavo zvepamusoro kana vapedza zvesekondari kunyika yeSouth Africa kana muno muZimbabwe.

“Chikoro chedu ishasha panyaya dzedzidzo nekuti mugore ra2017 takawana mukombe we2016 Best A-Level Results uye takanga tiri paTop 4 Best Cambridge A-Level results. Uyu mucherechedzo wekukoshesa kwatinoita kuti vana vave shasha mukugona muchikoro,” vanodaro.

Vanotiwo pachikoro chavo vanokurudzira hunhu hwakanaka kuvana sezvo vari ivo vatungumiriri vamangwana. Pamusoro pezvo, vanosimudzira zvipo zvevana mune zvakasiyana kunze kwekugona muchikoro sezvo zvose zvichiumba ramangwana ravo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey