Stanmore B yakatora mukombe

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Stanmore B yakatora mukombe Varimi vachipiwa mibayiro nemakurukota eHurumende pamwechete nevakuru veSeed Co

Kwayedza

Bright Musakanda
AIVA makuwerere pakupera kwegore ra2018, musi wa11 Zvita, kuStanmore B Irrigation Scheme mudunhu raMambo Musara, kwaGutu.Vanhu vaiva mavhu nemarara vachibatsirana neStanmore B Irrigation Scheme kupemberera hunyanzvi hwekuva hurudza yemadiridziro muZimbabwe.

Mutambo uyu wakarongwa neDepartment of Irrigation muMinistry yeLands, Agriculture, Climate and Rural Resettlement. Mhemberero idzi dzakakutwa negurukota rezvekurima muZimbabwe avo vaiva vakamiririrwa naVaGondo (Principal Director Crops and Livestock Production Department), gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira, mumiriri weMasvingo North mudare reParamende vanova zvakare gurukota muhofisi yemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaDavis Marapira, vakuru vemapazi ari mubazi rezvekurima uye mukuru weFAO mudunhu reMasvingo, VaFeruka.

Vemakambani anouchika mbeu seSeed Co vakauyawo kuzotsigira mhemberero idzi pamwechete nevanogadzira fetireza seZFC, Superfert, Curechem uye vezvitoro zvakaita seFarm and City neMasvingo Farm Supplies. Vamiriri vemadiridziro akakunda kumatunhu vakauya kuzobatirana neStanmore B kupemberera, kudzidza nekupakurirana mazano panyaya dzekurima.

Makwikwi ekutsvaga shasha inogona kurima pakati pemadiridziro ose ari muZimbabwe akapindwa nemadiridziro anosvika 252 uye aitsvagwa shasha kubva padistrict mozoenda paprovince zvozoenda kumakwikwi enyika yose. Pamatanho ose aikwikwidzwa aya, kambani yeSeed Co yaitsigira nemibairo. Pachidanho cheDistrict (Masvingo) Longdale ndiyo yakakunda ikapihwa 20 ma10kgs embeu yeSC727. KuMatabeleland North, Banga Irrigation Scheme ndiyo yakakunda ikapihwa 40 ma10kgs SC727, 30 ma10kgs eSC637, 3 ma25kgs esugar beans reSharp, 2 ma500g emuriwo werape unonzi Rampart nengowani dzemunhu wose ari muchirongwa ichi ikoko.

Padanho renyika yose yakapa 60 ma 10kgs eSC727, 6 ma25kgs esugar beans, 2 ma500g erape Rampart ne4 ma250 embeu yemadomasi inonzi Akela. Pamusoro paizvozvo, varimisi veSeed Co vaienda  vachidzidzisa varimi vari mumadiridziro akapinda mumakwikwi marimiro akanaka.

Muyenzi mukuru pamhemberero idzi VaGondo vaiva vakamirira gurukota rezvekurima vakatanga nekuenda kumunda kunomema zvirimwa, midziyo yekurimisa uye machengeterwo ainoitwa. Zvimwe zvezvirimwa zvakarimwa pamadiridziro aya zvinosananisira chibage cheSC727 neSC529 nesugar beans reSharp.

Kumiriwo vakarima cabbage rinonzi Fabiola neDelight uye matomatisi eDaisy neChibli.

Stanmore B Irrigation Scheme yakagadzirwa neHurumende mugore ra2001 ndokubva yashanda zvakanaka kwemakore gumi asi yakazosangana nedambudziko repombi dzinofambisa mvura ndokubva yambovharwa. Mugore ra2015, veFAO vakanzwa nezvedambudziko rekusashanda kwemadiridziro aya ndokubva vazvipira kuti vaiigadzirise zvinova zvakazoita kuti itange kushanda zvakare mugore ra2018. Kutanga kushanda kwayakangoita yakabva yatopinda mumakwikwi ekurima kwemadiridziro umo yakasvikosimudza mukombe ichiteverwa neSiwazi iri kuMatebeleland South.

Mumiririri weMasvingo North mudare reParamende, VaMarapira vari zvekare Gurukota muhofisi yemutevedzeri wemutungamiri wenyika vakakurudzira varimi kuti kana vachinge vapihwa mukana wekurima kuburikidza nemadiridziro vaushandise nemazvo nekuti kurima ibhizinisi rakangofanana nemamwe ose. Vakaendrera mberi vachiti kune vakawanda vari kushuvira kuti dai vawanawo mikana yekukwanisa kudiridzira asi vachizvishaiwa.

Gurukota rinomiririra dunhu reMasvingo, VaChadzamira vakati mwaka uno vanoongorora nezvemamiriro ekunze vakati mvura inogona kuita shoma nokudaro irombo rakanaka kune avo vari mumadiridziro nekuti vanokwanisa kudiridza zvirimwa zvavo. Vakakurudzira varimi vemadiridziro kuti varime zvirimwa zvinogutsa nyika yose kwete kungorima zvavanodya ivo nemhuri dzavo chete.

VaChadzamira vakayambira nekutsiura masabhuku ari kuita basa rekugadza vanhu zviri kunze kwemutemo mumadiridziro vachiti Hurumende ndiyo chete ine mvumo yekupa vanhu pekugara uye mutemo wenyika yeZimbabwe unoti ivhu rese ndereHurumende uye haritengeswi.

Muenzi mukuru airemekedzwa pamhemberero idzi, gurukota rezvekurima mumashoko avo akaverengwa nemumiriri wavo, VaGondo vakati Masvingo yaizivikanwa senzvimbo yenzara nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka nekudaro kutora mukombe kwakaita Stanmore B zvinoratidza kuti zvinhu zviri kushanduka munyika kuburikidza nemadiridziro.Vakakurudzira varimi vose vari mumadiridziro kuti vatevedzere zvakaitwa neStanmore B kushanda nesimba uye Hurumende ine hurongwa hwekuwedzera huwandu hwemadiridziro munyika kuitira kuderedza nzara.

Vakatendawo veFAO nekumutsidzira kwavakaita madiridziro eStanmore B mushure mekunge basa rambomira kufamba makore gumi apfuura.

Vaenzi vose vakanga vakokwa (varimi, vemabhizinisi nevemaNGO) kubva kumativi ose eZimbabwe vakadya nokunwa zvekuita sevachadambura matumbu nechikafu. Sachigaro wemadiridziro eStanmore B vakatenda vose vakauya kuzobatirana navo kupemberera mukombe wehurudza uyu.

Stanmore B yakawana mubairo we$10 000 uye kambani inozivikanwa nehunyanzvi pakuuchika mbeu yeSeed Co yakavapa mbeu yechibage 60 ma10kg, 6 ma25kgs esugar beans, 2 ma500g emuriwo werape Rampart ne4 ma250 embeu yemadomasi eAkela.

Varimi kana muchida kunzwa zvizere maererano nenhau dzekurima batai varimisi veSeed Co vari kumatunhu enyu.

 

l Bright Musakanda murimisi weSeed Co kuMasvingo. Munomubata pa: 0713306020

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey