Stem yanga yava nehuwori: Murwira

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Stem yanga yava nehuwori: Murwira

Kwayedza

Tandayi Motsi
GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti Hurumende yakamisa chirongwa chekupa mabhezari kuvadzidzi veA-Level vaiita zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM) zvichitevera huwori hwaiitika pakushandiswa kwemari iyi sezvo yange yave kushandiswa zvimwe zvisinei nechirongwa ichi.

Vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reHouse of Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weKwekwe Central, VaMasango Matambanadzo.

VaMatambanadzo vaida kuziva kana chirongwa cheSTEM chichiri kuenderera mberi.

“STEM yakavambwa neHurumende ichadzoserwa pakare here? Vanhu vekumatunhu atinomirira vari kubvunza kuti chirongwa ichi chichadzoswa here kuitira kuti avo vanenge vabuda zvakanaka muzvidzidzo zvesainzi vazobhadharirwa mari dzavo pasi pechirongwa ichi neHurumende?

“Pane mashoko zvakare anoti vadzidzi veSTEM vanozobhadharirwa mari dzekuyunivhesiti. Vanhu vatinomirira vari kushishikana kuti chii chichazoitika kuvadzidzi avo pari zvino vari kudzidza vachibatsirwa neSTEM. Ichadzorwa here nekuti ichi chinhu chakanaka?” vanobvunza VaMatambanadzo.

VaMasango Matambanadzo

Prof Murwira vanoti zvidzidzo zveSTEM hazvina kumbobvira zvaregerwa kuitwa uye zvicharamba zvichiitwa.

“Bazi redu rinoona nezvedzidzo yepamusoro uye rinoona pamusoro pemakoreji emapolytechnics nemayunivhesiti. Mabhezari aya aipihwa kuvadzidzi veA-Level asi akamiswa mutemu yechitatu muna2018. Pakange pave nekushandiswa kwemari zvisiri izvo zvichiitwa muzita remabhezari eSTEM. Nekudaro, takamisa chirongwa ichi,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti imwe mari yeSTEM yaishandiswa kubhadhara masangano akazvimirira.

“Tiri kuti ticharamba tichikurudzira kudzidzwa kwezvidzidzo zveScience, Technology, Engineering neMathematics pachishandiswa dzimwe nzira kwete nekupa mabhezari kuvadzidzi veA-Level.

“Padanho reyunivhesiti, tine hurongwa hwekutsvaga mari yechikwereti yekupa vadzidzi kuti vaenderere mberi nefundo yavo. Tinoda zvakare kutsvaga mari yechikwereti takavamirira.

“Pari zvino, tine $50 miriyoni yatakawana iyo yakaiswa padivi neReserve Bank of Zimbabwe neimwe $10 miriyoni yakaiswa padivi kuSouth Africa,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti dambudziko riripo nderekuti mabhengi ari kuti anoda mapay slip kubva kuvadzidzi asi havazi vose vanokwanisa kuwana mapay slip aya.

“Tiri kukurudzira vemabhengi kuti vasandure zvimwe zvezvinhu zvavanoda pakupa zvikwereti kuitira kubatsira vadzidzi. Saka muchidimbu ndiri kuti STEM yaizivikanwa sepurojekiti yevadzidzi vaiita zvidzidzo zvesainzi paA-Level. STEM ipurojekiti huru.

VaWillias Madzimure

“Pandiri kutaura pano, tine mapurojekiti anosanganisira kugadzirwa kwefetiraiza,” vanodaro Prof Murwira.

Zvichakadai, mumiriri weKambuzuma mudare iri, VaWillias Madzimure, vanoda kuziva kuti mari yakashandiswa nenzira dzehuwori pasi pechirongwa cheSTEM yakatorwa nani uye ichadzoserwa kuHurumende here.

“Mukupindura kwaita gurukota iri, rinoti pakave nekushandiswa kwemari yeSTEM zvisiri izvo. Vangatitaurire here zvavari kuita kuitira kuti mari yakashandiswa zvisiri izvo iyi idzoserwe kuHurumende uye ndiani akaitora?” vanodaro VaMadzimure.

Prof Murwira vanoti pane ongororo yakaitwa nebazi ravo iyo yakaburitsa pachena kushandiswa zvakanaka kwemari yeSTEM.

“Takaita ongororo, ndiri kupindura mibvunzo iyi zvichienderana nezvakabuda muongororo iyi. Kune vamwe vanhu vari kutomiswa mumatare edzimhosva vakatarisana nenyaya dzekusashandiswa kwemari iyi nemazvo. Saka, kana nyaya iyi iri kumatare edzimhosva handikwanise kutaura zvakawanda pamusoro payo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey