STEM yovandudzwa . . . Maticha 300 oita zvidzidzo

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
STEM yovandudzwa . . . Maticha 300 oita zvidzidzo Prof Murwira

Kwayedza

HURUMENDE iri kutora matanho akasimba ekuvandudza chirongwa cheScience, Technology, Engineering and Mathematics (STEM) kuburikidza nekufundisa varairidzi vanosvika 300 zvidzidzo zvesainzi kumakoreji ari kumativi mana enyika.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, mudare reSenate nguva pfupi yadarika.

Prof Murwira vaipindura mubvunzo wemumiriri wemadzishe kuMashonaland East mudare iri, Senator Enos Musarurwa.

Sen Musarurwa vaida kuziva mamiriro akaita chirongwa cheSTEM zvichitevera mamwe mashoko anoti Hurumende yakamisa kuitwa kwechirongwa ichi.

“Ndinoda kubvunza gurukota pamusoro penyaya yeSTEM. SeHurumende, tinoziva kuti STEM iri kubatsira vana padanho resekondari asi tinonzwa kuti yakabviswa. Ndehupi hurongwa hwamunahwo seHurumende kuitira kuti vana vakange vapinda muchirongwa ichi varambe vachienderera mberi nefundo yavo?” vanodaro.

Prof Murwira vanoti chirongwa ichi hachina kubviswa asi kuti chiri kuvandudzwa.

“Chirongwa chisingakwanise kubviswa. Chicharamba chiripo, chikamu chinoona nezvesainzi. Pane bandiko remabhezari eSTEM iro vazhinji vanoridaidza kuti STEM asi STEM zvinoreva kuti Science, Technology, Engineering and Mathematics.

“Chatakamisa mabhezari eSTEM epaA- Level. Ndinoda kujekesa kuti hatina kubva tamisa chirongwa ichi zvachose, asi kuti vadzidzi vakange vatanga kare vacharamba vachienderera mberi nefundo yavo kusvika vapedza,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti bazi ravo riri kusimbaradza chirongwa cheSTEM nekudzidzisa varairidzi veSainzi kumakoreji ari kumativi mana enyika.

“Tiri kuti ngatidzidzisei varairidzi nekuti mudzidzisi mumwe chete anokwanisa kufundisa vana vanodarika 20 000 apo anozosvitsa makore 65 okuberekwa paanotarisirwa kuenda pamudyandigere. Saka tichatora varairidzi vanosvika 300 kutanga mwedzi waChivabvu gore rino kuitira kuti vanofundira zvidzidzo zveSainzi,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti vadzidzisi ava vachanoita zvidzidzo izvi kumakoreji anosanganisira Mkoba Teachers’ College, kuGweru, Joshua Mqabuko Nkomo, kuGwanda neMasvingo Teachers’ College.

“Tinovimba kuti kana tikashandisa nzira iyi, tinosvika kuvana vakawanda uye tinokwanisa kuendesa mberi zvinangwa zveZimbabwe zvechirongwa cheSTEM nenzira iri nyore,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti bazi ravo rakatangawo zvakare chirongwa cheApprenticeship icho chakange chamiswa makore mana adarika.

“Saka tiri kuenderera mberi neSTEM tichishandisa nzira iyi. Kekutanga mumakore mana adarika, takatanga chirongwa cheApprenticeship gore rino apo vadzidzi 200 papurovhinzi yoga-yoga vachatorwa kuti vaite makosi eEngineering saka tinoda vanhu vanoshandisa mawoko avo,” vanodaro.

Vanoti bazi ravo rakaisawo padivi mari inosvika $500 000 yekusimudzira zvidzidzo zveSainzi muzvikoro kuburikidza nekuvaka pamwe nekuvandudzwa kwemalibrary.

“Tiri kuzama kusvika kuvadzidzi vakawanda sezvatinokwanisa. Zvatiri kuedza kutaura ndezvekuti semuenzaniso, kana tavandudza nekupa zvekushandisa kuchikoro, tinenge tasimudzira zvizvarwa zvemangwana nezvichazouya,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links