Uncategorized

‘Sungai baba, ndivo vakandibata’

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYAYA yemweya wengozi uri kusvika pane musikana wekwaMurehwa – uyo anoti akabatwa chibharo nababa vake, asi ndokunyepera kuti akabhinywa nemumwewo murume uyo akazonofira kujeri – yakwira mutanda sezvo yakamhan’arwa kumapurisa uye ngozi iyi iri kuti inoda kuripwa nemombe nhanhatu.

Mwedzi wapera, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemusikana uyu – uyo watakangodoma zita rake saChenai – achitsanangura kuti akabatwa chibharo nababa vake, asi vakamuvhevhetedza kuti asungise mumwe murume asinei nenyaya iyi vachimunyepera kuti ndiye akamubhinya.

Murume uyu akazofira kujeri mhosva yaaipomerwa isati yatongwa uye mweya wengozi yake unonzi uri kusvika pana Chenai uchiti vakamuuraisa asina mhosva nekudaro vanofanirwa kumuripa nemombe nhanhatu.

Chenai anoti nyaya yekubatwa chibharo nababa vake iyi akazoimhan’ara kumapurisa emuHarare uye ine nhamba dzinoti RRB4022441.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanotsinhira kuti nyaya iyi yakamhan’arwa.

“Semapurisa, tinoti mhosva hairovi, semunyaya iyoyi chionai yakaitika kare, asi yava kuzomhan’arwa nhasi (nemusi weChipiri chino). Kunyange ukabhinywa uri mwana mudiki, ukazozvifunga wakura, enda unomhan’ara.

“Asi ikurudziro yangu kuti timhan’are mhosva dzichangoitika, zvikuru dzechibharo nedzimwe, sezvo paine humboo hunodiwa. Chionai mhosva iyi yakaitika mugore ra2011 asi yave kubuda nhasi.

‘‘-Tiri kuiferefeta izvozvi apo tinotarisira kuendeswa kumatare edzimhosva kwemusungwa akaita izvi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Vanhu vari kunyanya kubata vana chibharo ihama dzepadyo.

Saka tinokurudzira madzimai kuti vataure vakasununguka kuvana vavo kuti vazive zvinoreva chibharo.”

Zvichakadai, zvichitevera kubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza kekutanga, baba vaChenai vanonzi vakange vamuvhevhetedza ndokumutora kubva kwaMurehwa kwaainge ambopotera, vachibva vaenda naye kuHarare apo vakati vaida kufamba naye kumaporofita nekudzin’anga kuti mweya wengozi uyu ubviswe.

Vemhuri iyi vanonzi vakazogara pasi kuti nyaya yengozi iyi igadziriswe.

Chenai paakataurwa naye neKwayedza ari muHarare – uko ava kugara nehanzvadzi yake iyo yakamutora kuna baba vavo – anoti paakatorwa nababa vake vachinogara naye kumba kwavo, vakafamba semhuri kumasowe uko mweya wengozi unonzi wakanobuda ukataura zvauri kuda.

“Baba vakanditumira mari ndokuuya kuno kuHarare uko vakatanga kufamba neni kumaporofita vachiti ndine mweya wetsvina. Ikoko, mweya wengozi uyu – ndave kuzoudzwa nevaivepo – unonzi wakabuda ndokutaura kuti unoda kuripwa nemombe 6.

“Asi baba vari kuti havagone kubvisa mombe idzi sezvo vachiti ivo havana kumbobvira vandibata chibharo. Baba vari kuti ndivo vanotofanirwa kuripwa nevemhuri yemunhu akanofira kujeri uyu apo vari kuramba vachiti ndiye akandibata chibharo.

“Ini ndinonyatsoziva zvakaitika, baba vangu ndivo vakandibata chibharo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Izvozvi ndakazotiza kumba kwababa, ndave kugara nabhudhi nekutya kuti vari kugara vachindivhundutsira vachiti ndisataure nyaya yekuti vakandibata chibharo. Vanababamukuru nevamwe vakabva kumusha kwaMurehwa vakabvunza baba nezvenyaya iyi ivo vakaramba kuti vakandibata chibharo, vachiti munhu ane ngozi iri kumuka ndiye akandibhinya. Baba zvavari kutaura inhema, ndivo vakandibata.”

Share This:

Sponsored Links