Tabhadhara zvikwereti zvose: Zifa

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Tabhadhara zvikwereti zvose: Zifa Omega Sibanda

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rinotungamira nhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti rakapedza kubhadhara zvikwereti zvaro zvese zvaisvika $7 miriyoni kumakambani, mapoka akasiyana pamwe nekuvanhu vakazvimirira.

Achitaura neKwayedza svondo rino, mutevedzeri wemutungamiri weZifa, Omega Sibanda, anoti sangano ravo harisisina chikwereti nemunhu kana kambani zvayo sezvo rakapedza kubhadhara zvose.

Zifa yaive nezvikwereti izvo zvakange zvasvika $7 miriyoni asi gore rino muna Kubvumbi mutungamiri wesangano iri Phillip Chiyangwa akabuda achitaura kuti vakange vasarirwa nechikwereti che$2 miriyoni chete.

“Takapedza kubhadhara zvikwereti zvose zvatainge tinazvo izvo zvaidzorera basa redu kumashure. Iye zvino zvinhu zvave kuchiendeka nekuti takapedza kubhadhara.

“Asi, kana achiripo anoti hatina kumupa mari yake akasununguka kuuya kwatiri otirakidza mapepa ake anotaura kuti tine chikwereti naye toona kuti neatinawo zviri kuenderana here.

“Kana tatarisa tikaona kuti zviri kuenderana tonyorerana pasi toona kuti tobhadharana sei kusvika munhu iyeye tamupa mari yake yechikwereti chake,” anodaro Sibanda.

Nyaya yezvikwereti izvi yakambodzorera nhabvu yemuno kumashure zvikuru izvo zvakaona maWarriors achirambidzwa kuwana mukana wekurwira kuenda kumutambo we2018 World Cup nekuda kwechikwereti chaive neZifa kuna Valinhos uyo akamborairidza maWarriors.

Sibanda anoti parizvino hapana chichavatadzisa kuti basa ravo rifambire mberi nekuti havasisina zvimhingamipinyi zvinosanganisira zvikwereti izvo zvakange zvakavamomotera.

“Iye zvino tave kuchifambisa basa, hapasisina chinotidzorera shure nekuti zvikwereti takapedza kubhadhara. Basa tave kuita takasununguka uye mari yatichange tichiwana tichaishandisa mubasa redu,” anodaro.

Sibanda – uyo achangobva kudzoserwa pachigaro chake kuZifa pamwe chete naChiyangwa – anoti sangano ravo rine hurongwa hwekusimudzira nhabvu yekumaruwa.

“Chinhu chikuru chatiri kuda kushanda kuti chibudirire kuendesa nhabvu kumamisha uko nekumapurazi kune vanhu vakawanda uye vane rudo nenhabvu asi havawaniswe mukana wekuona mutambo uyu saka tinoda kuendesa mutambo kwavari.

“Tinogara tichitaura nenyaya dzegrassroots nguva dzese, kumamisha uko ndiko kwadzinotangira nekuti kune vana vane matarenda uye tarenda ravo rinoda kuonekwa robikwa zvakasimba.

“Saka nhabvu tiri kuenda nayo ikoko uye varairidzi venhabvu vakuru vane mukurumbira vanofanirwa kuendako vachinoshanda nevana,” anodaro Sibanda.

Share This:

Sponsored Links