Uncategorized

‘TABVISA MIMBA VAKADZI VEVANHU 80’

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
‘TABVISA MIMBA VAKADZI VEVANHU 80’ Primrose

Kwayedza

‘Vazhinji vanenge vaita chipfambi’

Phillipa Chinhoi-Mukome
KUNE vasikana vanotengesa muviri vemuHarare vari kubuda pachena kuti ndivo vanoita basa rekubvisa madzimai akaroorwa nevasikana pamuviri pavanange vasingade nerweseri.

Vasikana vanongozivikanwa sepfambi ava vanoti kunze kwekubvisa mimba idzi mumikoto, dzimwe nguva vanoshanda nemachiremba nevamwe vakoti mukuita izvi.

Vasikana vaviri vakaita hurukuro neKwayedza vanodura kuti vabvisa mimba dzinosvika 80 pakati pavo – mumwe 50, mumwe 30 muchivande.

Izvi zvakabuda pachirongwa chakaitwa nesangano reZimbabwe AIDS Network muHarare svondo rapera icho chakapindwa nevakadzi vanoita basa rekutengesa muviri, varume vanobhadharirwa bonde nevanoita chingochani, pakati pevamwe.

Mumwe wevakadzi vanobvisa pamuviri nerweseri – uyo anongoda kuzivikanwa saPrimrose achigara kuDzivarasekwa, muHarare – anoti ari anobvisa vasikana nemadzimai kana vakaroorwa pamuviri mudzimba.

Anoti izvi vanozviita senzira yekurarama nayo uye kutsvaga mari.

“Tinotozviziva kuti tiri kubvisa nhumbu nenzira dzisina kunaka, asi ini ndinenge ndichibatsira vanhukadzi. Ndiri kutobatsira kuderedza kuraswa kwetusvava nekuroodzwa kwevanasikana vemazera maduku,” anodaro Primrose.

Anoti vasikana nemadzimai vanoenda kwavari vachida kubviswa mimba vanobvira pamakore 13 kusvika kuma40 ekuberekwa.

“Vanhu vemazera akasiyana vanouya vachida kusvotorwa pamuviri apo vanenge vaita vasingafungidzire. Vamwe vatori madzimai akaroorwa vane varume kudzimba.

“Tinoshandisa midzi yemuti weMupfuta, uyo watinobaisa kumuromo kwechibereko mimba yototanga kurwadza, mwana otobuda. Tinorodza kana kuveza mudzi uyu woita katsono, ndiko kanodyunga chibereko chovhurika. Chikapinda mhepo mimba inotobva yabva,” anodaro Primrose.

Anoenderera mberi: “Zvimwe zvatinoshandisa zvinosanganisira maniti ekurukisa majuzi, waya kana ruva remuheji. Tinosungirira muheji pakamutsvairo kuti usazotyokera mukati. Mamwe maruva atinoshandisa atorimo mudzimba akazara asi kuti vanhu havazive kuti mushonga unobvisa pamuviri.

“Vanhu vanouya vachida rubatsiro rwedu hatimbovabvunzi kuti vanoda kubvisirei mimba nekuti ukaona munhu atouya, zvinoreva kuti pamuviri ipapo haapade.”

Primrose anoti vose vanoda kuzobviswa pamuviri vanouya nemabhaketi anenge aine mvura kuitira kuti kana kasvava kachinge kakura, pakanobuda hakaite ruzha sezvo kachibva kawira mumvura.

“Vose vatinoshandira tinoti vauye nebhaketi rinenge riine mvura nekuti patinodyunga muchibereko, munhu anotopinda panguva yekuzvara (labour) saka kana zvarwadza anogarira bhaketi kuitira kuti vaye vane tuvana tunenge twati kurei kanoti kana kakasvodza kanochema. Saka pakanopinda mubhaketi kanenge kakavhura muromo, kanobva kakachidzidzwa nemvura kotofa.

“Bhaketi nderekuti tisanzwikwa nevanhu kuti pane zvaitika. Paanenge apedza, munhu watabvisa pamuviri anotora kasvava kake oputira nemachira onokarasa otobva aenda nekuti tinenge tisisina hushamwari.

“Kana takubvisa pamuviri, tikasangana hatizivane nekuti tinototyawo kuti zvinozotidzokera,” anotsanangudza Primrose.

Anotizve vanobvisa pamuviri vasikana vasati vabva zera.

“Kune vechidiki, chinoita kuti vabvise pamuviri inyaya yekuti vanenge vachiita misikanzwa vabereki vasingazvizive. Asi vamwe ndivo vanoita basa rekutengesa bonde,” anodaro Primrose.

Anoenderera mberi achiti, “Ini kutovabvisa pamuviri kuti ndinozvinzwisisa nekuti ini ndakaita mimba ndiine makore 14 okuberekwa.”

Primrose anoti pane nguva yavanoenda kumachiremba kana vakoti vavanodyidzana navo kuti vavabatsire kana vakundikana kubvisa angave mukadzi kana musikana pamuviri.

“Dzimwe nguva ndikaona kuti ini handikwanise kubvisa munhu pamuviri, tinoenda navo kumachiremba kana vakoti vatinoziva kuti vanopihwa mapiritsi ekusvodza,” anodaro.

Anotizve mimba dzaabatsira kubvisa kusvika pari zvino dzinodarika 30.

Racheal

“Mimba dzandasvotora kumadzimai nevasikana dzinodarika 30. Sezvo zvekutengesa bonde mazuva ano zvisina mari, iri ndiro ratovA basa riri kutipa mari nekuti mwedzi hauperi pasina watasvotora.”

Mumwe anoitawo basa rekubvisa pamuviri – uyo anongoda kuzivikanwa saRachel – anoti akatanga kuita basa iri mugore ra1995.

“Ndakasangana nevamwe mbuya vakandidzidzisa kuBindura, ndiwo mararamiro avaiitawo vachibvisa madzimai mimba. Ndipo pandakapinda mazviri, kusvika nanhasi ndasvotora vanhukadzi mimba mazera akasiyana vanopfura 50,” anodaro Rachel.

Anoti kuEpworth kwaanogara hakupedzi mwedzi miviri pasati pawanikwa mwana akaraswa nevanenge vabvisa pamuviri.

Rachel anoti zvakare kune mamwe madzimai vanomuvinga vaine vanasikana vavo vachida kuti vavabvise pamuviri.

“Pane vamwe mai vakauya nemwana wavo aine pamuviri vachiti ndingarohwe nababa kumba zvichinzi ndini ndafurira mwana. Ini ndakangobvisa pamuviri pacho ndikapihwa mari yangu,” anodaro.

Rachel anoenderera mberi: “Madzimai mazhinji vane varume vanoshandira kunze vanoda kudzidziswa kushandisa dziviriro semakondomu pavanoita gumbo mumba gumbo kunze nekuti vanodzoka votipa basa rekuvabvisa pamuviri,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links