Tachoboka: mahwindi

22 May, 2020 - 00:05 0 Views
Tachoboka: mahwindi Solomon “Big Solo” Mandela

Kwayedza

Kingstone Mapupu naPhillipa Mukome-Chinhoi

VASHANDI vekumakombi — avo vanodaidzwa nekuti mahwindi — pamwechete nevaridzi vemota dzinotakura veruzhinji idzi, vanoti chirwere cheCovid-19 chakavaparira zvikuru sezvo vachiti vakuvara nenzara zvekusvika pakuti vamwe vavo vatombonogara kumisha uko kwavasina kunge vakavaka kuti vambochengetwa nevabereki kana nedzimwe hama.

Mukuru wemahwindi muguta reHarare, Solomon “Big Solo” Mandela anoti vashandi vekumakombi vatambura sezvo vange vajairira kuwana mari vachiidudunya zuva iroro.

Zvisinei, Big Solo anoti vanotarisira kuti makombi avo nemabhazi achadzokera mumigwagwa kana chirongwa chekuti veruzhinji vambogara kudzimba chapera.

Hurumende haisati yabvisa mutemo unomisa kufamba kwemakombi nemishikashika izvo zvakamiswa kufamba musi 30 Kurume apo veruzhinji vakatanga kunzi vagare kudzimba sedanho rekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mabhazi ari kutenderwa kutakura veruzhinji bedzi pari zvino maZUPCO nemakombi ari pasi pekambani iyoyi.

Big Solo anoti mahwindi akuvara nenzara izvo anotizve ichi chidzidzo kune vamwe vake kuti mari inofanirwa kuchengetwa, kwete kuidya nemhutwa.

“Takuvara nenzara nekuti vamwe vedu vagara vanodya mari yavashanda musi wakare iwoyo – vachitopedza yose nekuti vanoziva kuti mangwana vanowana imwe. Zvino nelockdown iyi, izvi zvakapera, havasisina chibhanzi.

“Vamwe kutaura kuno vakarambana nevakdzi vavo mulockdown imomu nekuda kwenzara. Yava tarisiro yedu kuti Hurumende haizotiburitsa zvachose mumigwagwa vachisiya maZUPCO bedzi. Tingafa nenzara isu mahwindi,” anodaro.

Big Solo anoti semahwindi, vanotsigira zvikuru matanho eHurumende pakurwisa Covid-19.

“Kana tikasatsigira zvirongwa izvi vanhu tingapera kufaka. Hapana hapo chakaipa pakuti timbomira kufamba nekuti coronavirus iriko kunze uko. Sesu tinosangana nevanhu vakawandisa mubasa redu iri.

“Asiwo dambudziko ravapo nderekuti vamwe vedu vakatotizwa nemadzimai nekuda kwenzara. Isu vanaSolo hatina dambudziko, mari iri tii. Ndiri kutochema vafana vangu,” anodaro Big Solo.

Otaurawo nenyaya yekuomerwa kwaita vashandi vekumakombi, Tito Nyamweda, uyo anova mukuru wemabhazi ekwaNyamweda nemakombi anoenda kuMhondoro achibva kuMbare, muHarare, anoti vazhinji vemahwindi vakatizira kumisha nemhuri dzavo uko vava kumbochengetwa nevabereki vavo kana nedzimwe hama.

“Asi vamwe vedu ivava vava kutizira kumisha vaisambopa kana chinhu kuvanhu vava nemutoro wekuvachengeta panguva ino. Vamwe vacho havana kumbobvira vavaka kumusha ikoko.

“Zvava kuda kuti hwindi oga paari asandure pfungwa dzake, ofanotsvaga chinomuraramisa kana kurima magadheni chaiko achimirira pachazonzi makombi achidzoka mumugwagwa,” anodaro Nyamweda.

Kuchiti David “Diva” Madanha, uyo anoshanda sakondakita wekombi anotiwo vanga vajaira kubata mari zuva nezuva, yakawanda yacho vachiidudunya nemhutwa mukutenga chikafu chezuva kana kuti vhiki iroro bedzi.

“Kumiswa kwakaitwa makombi kwatiomera nokuti hapana kumwe kwatichakwanisa kuwana mari kana mamwe mabasa okuita. Chero ivo varungu vedu chaivo (kureva varidzi vemakombi) vakatopakawo mota dzavo kudzimba. Isu mahwindi hatisisina kwekuwana chinotiraramisa mudzimba matiri umu. Tange tigere kani,” anodaro Madanha.

Anoti iye dai agona zvake kuwana tsamba yekuti afambise kuenda kumusha kwake onorima muriwo achitengesa nekuti pari zvino kana mari yekubhadhara rendi haana.

“Kumusha unotorima gadheni mhuri yowanawo chekudya. Mvura yekumusha yakachena uye ndeyemahara, hakuna rendi nemagetsi zvinoda mari,” Madanha anodunura.

Caleb Mapunga, uyo aiita basa rekushedzera vanhu kuti vakwire mumakombi achibhadharwa, ava kupisa tsitsi uye anoti nzara yapfunya chisero mumba make umo musisina rugare nemudzimai wake.

“Hongu lockdown inodiwa, asi kuwedzerwa kwazoitwa mazuva zvekunzi hamheno amheno uku kwabva kwatiomera sesu mahwindi. Dai Hurumende yakwanisa kutipawo rubatsiro rwechikafu nekuti seni ndingatofa nenzara,” anodaro Mapunga.

Hurumende, kuburikidza nebazi reDepartment of Social Welfare, iri kupa rubatsiro kuvanhu vari kutambura nekuda kwezvirongwa zvaunzwa nechirwere cheCovid-19 – kwose kumaruwa nekumaguta nemadhorobha.

VaLameck Chingaira, avo vagere kuZengeza 3 Extension, kuChitungwiza, vanoti ivo vakasiya basa kuSouth Africa uko vaishanda muhotera mushure mekunge vatenga makombi.

“Covid-19 yatikanganisira zvikuru nokuti yapinza nzara mudzimba dzedu nemunyika.

‘‘Sesu hatina kwatinohora mari kunze kweinobva kumakombi. Mabasa takanga tasiya, saka mari yekutenga chikafu apo takangogara kudzimba hatisisina,” vanodaro.

Vanoti basa remakombi rinonetsa kuti ubhadhare vashandi idzo mota dzacho dzisiri kufamba sezvo mari yavo ichibva mukutakura vanhu.

“Tangofanana tose nehwindi acho, mari dzapera,” vanodaro VaChingaira.

VaChingaira vanoti vanga vave nevashandi vanosvika makumi mashanu – vatyairi nemahwindi acho.

“Mhuri dzose idzi hadzina chokubata apa zvikoro zvingangotanga kuvhurwa. Chikafu rendi, mvura nemagetsi zvose zvinoda kubhadharwa.”

Hurumende yakatodzika murawo unoita kuti vanhu vanobhadhara marendi vasadzingwe mudzimba dzavagere, asi kuti vobhadhara zvishoma nezvishoma mari dzacho. Mutemo uyu unobatazve mari dzemitero.

Zvimwe zvirongwa zvekubatsira veruzhinji panguva ino zvinosanganisira kuti veruzhinji vawaniswe hupfu nemutengo wakaderera vari kwavari.

“Takuvara nenzara nekuti vamwe vedu vagara vanodya mari yavashanda musi wakare iwoyo – vachitopedza yose nekuti vanoziva kuti mangwana vanowana imwe. Zvino nelockdown iyi, izvi zvakapera, havasisina chibhanzi.

Share This:

Sponsored Links