Tadzidza kubva kuCovid-19: VP

14 Oct, 2021 - 16:10 0 Views
Tadzidza kubva kuCovid-19: VP

Kwayedza

Golden Sibanda ari kuDUBAI, UAE

CHIRWERE cheCovid-19 – icho chakanganisa zvikuru kusimukira kweupfumi pasi rose zvichitevera kudzoserwa kumashure kwenyaya dzekutengeserana – chadzidzisa Zimbabwe kuti ikwanise kuzvimiririra yoga uye kuve nezvekushandisa zvinoikwanira, Vice President Constantino Chiwenga vanodaro.

Zvisinei, vanoti pari zvino huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri pamwe nevari kufa hwaderera nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

VP Chiwenga – avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana – vakataura mashoko aya nemusi weChitatu pahurukuro yavakaita nevatori venhau veExpo 2020 Dubai media team mushure mekumema sitendi ine zviratidzwa zveZimbabwe.

Vari kuUnited Arab Emirates (UAE) vachitungamirira chikwata cheZimbabwe chinosanganisira makurukota mashanu eHurumende kuExpo iyi uye vari kupinda zvakare gungano reGlobal Business Forum Africa (GBFA).

VP Chiwenga vakapinda musangano weGBFA pawakavhurwa nemusi weMuvhuro uye wakapera neChina, uchiitwa panguva imwe chete neExpo 2020 Dubai, iyo yakatanga nemusi wa1 Gumiguru uye ichaitwa kusvika 31 Kurume 2022.
Chirwere cheCovid-19 chakanganisa zvikuru nyaya dzekutengeserana pasi rose nekuda kwematanho ari kutorwa nguva nenguva nenyika dzakasiyana apo vanhu vasingatenderwe kufamba nedonzvo rekumisa kupararira kwacho.

Izvi zviri kuona kushomeka kwezvinhu zvinoshandiswa neveruzhinji zuva nezuva apo mitengo yacho ichikwira zvakare.
VP Chiwenga vanoti Covid-19 yakonzera matambudziko makukutu pasi rose, kusanganisira muZimbabwe.
Mamiriro ezvinhu aya, vanodaro, akatuma nyika ino kutora matanho akasimba ekurwisa dambudziko iri kubvira munaKurume wegore rapera apo pakanyuka chirwere ichi.

“Takatora matanho edu toga, ndokuabatanidza neeWHO (World Health Organisation) akange aiswa panzvimbo anosanganisira kusaita chitsokotsoko, kupfeka mamasiki, kushandisa sanitizer uye nekuti vanhu vagare kudzimba kana pasina zvavanenge vachifambira,” vanodaro.
VP Chiwenga vanoti matanho aya abatsira zvikuru kudzivirira kupararira kweCovid-19, asi sedzimwe nyika pasi rose, Zimbabwe inoramba yakatarisana nekunyuka patsva kwedenda iri.

Vanoti apo matanho aitorwa nenyika ino aitaridza seanoperevera, Hurumende yakatanga chirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba dzekudzivirira denda iri, chichinyanya kusimbaradzwa kunzvimbo dzinosanganisira kumiganhu yenyika, dzinokwezva vashanyi nemabandiko akakosha munyaya dzekusimudzira upfumi hwenyika.

“Ndinofara kutaura kuti chimwe chezvishamiso zvinonwe zvepasi rose (Seven Wonders of the World) (Victoria Falls, muZimbabwe), takwanisa kusvitsa chikamu che100 percent chevanhu vakabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi zvaita kuti pave nekudziviririka uye mune zvimwe zvikamu zveupfumi hwenyika tadziviririka zvakare, kumiganhu yenyika nekunzvimbo dzainetsa denda iri idzo dzakange dzakanganiswa,” vanodaro.

VP Chiwenga vanoenderera mberi vachiti, “Tinoramba tichipa dzidziso kuvanhu vedu kuti chirwere ichi tichiri nacho, hachisati chapera. Iye zvino tiri kuti zvichitevera kuuya kwechirwere cheCovid-19, tave nemararamiro matsva.

“Tinofanirwa kuita sei? Tinofanirwa kuramba tichisimudzira upfumi hwedu, kutora matanho matsva nekuti tadzidza zvakawanda panguva iyi (nekuda kweCovid-19), kufambidzana pakati penyika kwainge kwaderera saka zvakatidzidzisa kuti tizvimiririre uye kuve nezvekushandisa zvinotikwanira.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey