TAGADZIRIRA AFCON: DECO

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
TAGADZIRIRA AFCON: DECO Danny ‘Deco’ Phiri

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wemaWarriors neLamontville Golden Arrows yekuSouth Africa – Danny “Deco” Phiri – anoti anoda kuita zvinorova apo vari kuenda kuEgypt kumakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) ayo ari kutanga masvondo maviri  anotevera.

Phiri aive muchikwata chemaWarrirors chakaenda kuAfcon kuGabon mugore ra2017 apo chairairidzwa naKalisto Pasuwa asi havana kusvika kure mumutambo uyu sezvo vakaburitswa kumagroup stages ndokudzoka kumusha vasina kumbohwina kana mutambo mumwechete zvawo.

Muchikwata ichi maive nevamwe vatambi zvakare vakasarudzwa gore rino vakadai saMarvelous Nakamba, Knowledge Musona, Khama Billiat, Kudakwashe Mahachi naTeenage Hadebe.

“Aka kachange kari kechipiri kedu vamwe vatambi kudzokera kunotamba kuAfcon saka tiri kufanirwa kurakidza kuti takura uye tine zvidzidzo zvatakawana pamakwisu ekutanga ayo takaenda mugore ra2017.

“Saka gore rino tiri kufanirwa kutamba sevanhu vakurawo uye vanoziva zvavari kuita, tiri kuda kuita zvinorova,” anodaro Phiri.

Parizvino maWarriors ari kuSouth Africa uko ari kurwira kuchengetedza mukombe weCosafa Cup.

MaWarriors kana akabudirira kuhwina mukombe weCosafa svondo rino anobva apinda munhorowondo yekuhwina mukombe uyu katatu kakatevedzana.

South Africa neZambia zvakambohwinawo mukombe uyu kana, pachikwata chimwe nechimwe.

Chikwata chenyika ichi chichange zvakare chichishandisa mutambo uyu segadziriro yemakwishu eAfcon apo chichasangana nemaPharoahs ekuEgypt musi wa21 Chikumi.

Deco anoti vanozviziva kuti vatsigiri venhabvu vachange vakatarisira mutambo uyu apo vachatatsurana nevatambi veEgypt vanosanganisira Mohamed Salah.

Mugore ra2017 kuAfcon, maWarriors aive muboka reGroup D nezvimwe zvikwata zvinoti Algeria, Senegal neTunisia izvo zvaive zvizere nevatambi vepamusoro vanosanganisira Riyad Mahrez weAlgeria uyo panguva iyi aipisa zvikuru achangobva kuhwina mubairo weSoccer Star of the Year kozoti vamwe vakaita saSadio Mane weLiverpool.

“Isu vamwe sekutaura kwandamboita Afcon iyi ndeyedu yechipiri, takadzidza zvakawanda kare.

“Tinoziva kuti vatambi vane mazita aya uye Afcon yadarika takasangana nevamwe vaitopisa futi.

“Saka isu sechikwata tave kuziva kuti vatambi ava tinovamaka sei uye zvii zvinodiwa kuti tibudirire patinosangana navo.

“Chedu chatinofanirwa kuita chete kutamba sechikwata.

“Isuwo muchikwata chedu varimo zvakare vatambi vane mukurumbira saka hatisi kuvhunduka, tinongofanirwa kushanda nesimba chete kuti tisvike kure,” anodaro Deco.

 

Share This:

Sponsored Links