‘Tagadzirira’ . . . bhora ngaritambwe.

20 May, 2021 - 14:05 0 Views
‘Tagadzirira’ . . . bhora ngaritambwe. Tonderayi Ndiraya

Kwayedza

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kunhandare dzinosanganisira National Sports Stadium muHarare, Mandava Stadium (Zvishavane) neBabourfields (Bulawayo) uko zvikwata zvemuPremier Soccer League zvichatatsurana mumutambo weChibuku Super Cup.

Iyi ichave mitambo yekutanga yezvikwata izvi kubva pakamiswa mitambo yose munaKurume gore rapera nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Svondo rino, Kwayedza yakaita hurukuro nevarairidzi vezvikwata zvakasiyana avo vakarakidza mufaro mukuru nekudzoka kwenhabvu.

Murairidzi weFC Platimun, shasha dzePSL, Norman Mapeza anoti nguva yanga yareba vatambi vakangogara.

Mapeza

“Isu semakore ese tinotambira kuti tihwine uye iye zvino tiri kushanda nesimba kuti tigohwina. Asi tiri kutanga patsva nekuti takashandura zvakawanda kuchikwata chedu, vamwe vatambi vakaenda kukauya vamwe. Saka tichafamba nebhora nekuti tinoziva kuti zvimwe zvikwata zvinoda kusvika patiri,” anodaro Mapedza. FC Platinum kana kuti Pure Platinum Play iri muboka reGroup 4 rine zvikwata zvinoti Ngezi Platinum, Triangle neWhahwa.
Murairidzi weDynamos FC – Tonderai “Stanza” Ndiraya – anoti nhabvu yadzoka panguva yakanaka chose.
Anoti DeMbare yagara inozivikanwa sechikwata chikuru saka mwaka uno vanoda kurakidza nyika yose kuburikidza nekuhwina mikombe yakawanda.

“Zita rekungoti Dynamos chete ihombe uye zvakawanda zvinotarisirwa kubva kwatiri. Saka isu sechikwata tinovimbisa kuti tichashanda nesimba kuti mwaka uno vatsigiri vedu vagofara tahwina mikombe yakasiyana.

“Asi sezvo tange tave nenguva ndefu takangogara, tinokumbira kuvatsigiri vedu kuti ngavatipe nguva kana tikakundikana tinenge takundikana sezvo vakomana vachiri nengura. Asi ndinofara hangu nekuti tiri kutangirana zvikwata zvose sezvo tose tange takagara nguva ndefu,” anodaro Ndiraya.

DeMbare yakaiswa muboka rine zvikwata zvinoti CAPS United, Henrentals, Harare City neZPC Kariba. Iri ndiro rega boka rine zvikwata zvitanhatu sezvo mamwe ese ane zvikwata zvina.

Kuchiti kuBulawayo, murairidzi weChicken Inn — Joey “Mafero” Antipas — anoti chikwata chake hachisati chambohwina Chibuku Super Cup saka vacharwa semvumba gore rino kuti vatore mukombe uyu. Mafero akatungamira maGamecocks mugore ra2015 kuhwina mukombe wePSL.

“Kudzoka kwenhabvu kunofadza uye tiri kutanga nemukombe weChibuku uyo tisati tambohwina sechikwata saka mwaka uno ticharwa semvumba kuti tiuhwine,” anodaro MaGamecocks ari muboka reGroup 2 rine zvikwata zvinoti Bulawayo City, Bulawayo Chiefs neHighlanders.

KuManicaland, murairidzi wechikwata chichangopinda muPSL cheCranborne Bullets — Nesbert “Yabo” Saruchera — anoti ino ndiyo nguva chikwata chavo yange yakamirira.

“Nguva yatange takamirira yazosvika manje, tange takamirira kwenguva ndefu saka tiri kufara uye takagadzirira kusangana nezvimwe zvikwata tigovarakidza kuti isu tauya tichipisa.

“Mumutambo weChibuku Super Cup, vamwe vari muboka redu ngavazive kuti isu tatobudirira kufambira mberi mumutambo uyu. Hatina kupinda kuzozadzikisa mazita kwete asi tinoda kutaridza nyika kuti nhabvu iyi tinotoiziva,” anodaro Saruchera.

MATCH DAY 1
GROUP 1
Caps United FC v Yadah FC
Harare City FC v ZPC Kariba FC
Herentals FC v Dynamos FC
GROUP 2
Bulawayo City FC v Chicken Inn FC; Bulawayo Chiefs FC v Highlanders FC
GROUP 3
Tenax FC v Black Rhinos FC
Manica Diamonds FC v Cranborne Bullets FC
GROUP 4
Ngezi Platinum Stars FC v Triangle United FC

Share This:

Sponsored Links