‘Tagadzirira kuuya kweCovid kepiri’

11 Nov, 2020 - 11:11 0 Views
‘Tagadzirira kuuya  kweCovid kepiri’ Dr Mangwiro

Kwayedza

 Munyori weKwayedza

ZIMBABWE yakagadzirira zvikuru kurwisa kunyuka kechipiri kwechirwere cheCovid-19 panguva iyo chikamu che70 percent chemidziyo inodiwa mukumisa kupararira kwedenda iri yave kugadzirwa munyika muno.

Mashoko aya akaziviswa naDr Billy Rigava, avo vanove sachigaro webhodhi reNatPharm nemusi weMuvhuro.

Izvi zvinotevera kurudziro yakaitwa nemutevedzeri wemutungamiriri wenyika Vice President Dr Constantino Chiwenga, avo vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, yekuti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa Covid-19.

Dr Rigava vanoti Zimbabwe yakagadzirira kurwisa chirwere ichi kana chikanyuka kechipiri.

“Chekutanga, pakatanga chirwere ichi, vanhu vakange vasina ruzivo rwakanyanya pamusoro pacho, asi iye zvino vave neruzivo rwuri nani,” vanodaro Dr Rigava.

“Patakaita nyaya dzekutanga dzevanhu vakabatwa nechirwere ichi, taitenga zvose zvataishandisa mukuchirwisa kunze kwenyika, asi iye zvino mayunivhesiti nemakambani emuno vave kugadzira midziyo yekurwisa Covid-19 uye tave kutenga zvishoma chete kubva kunze,” vanodaro.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro vanotsinhira kuti NatPharm yave kutenga zvinhu zvakawanda zvinodiwa pakurwisa Covid-19 kubva munyika muno.

“Njodzi yechirwere ichi ichiripo nekudaro tinofanirwa kuramba tichitevedza mitemo yakatarwa yekuchirwisa,” vanodaro.

“Vashandi vezveutano vari kuita basa rakanaka zvikuru. Ndicho chikonzero tiine vanhu vashoma vari kubatwa nechirwere ichi.”

Mumuriri wesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) munyika muno Dr Alex Gasasira, vanorumbidza Zimbabwe nebasa guru rairi kuita mukurwisa Covid-19.

“Kana Zimbabwe ikaramba ichitevedzera matanho akatarwa ekurwisa chirwere ichi, nyika ino inokwanisa kukunda kunyuka kechipiri kwedenda iri,” vanodaro.

Mutevedzeri wasachigaro weAd-Hoc Inter-Ministerial Taskforce on Covid-19, Professor Amon Murwira vanoti mutemo wekuti vanhu vasafambe-fambe zvisina tsarukano kubva nenguva dza10 husiku kusvika 6 mangwani (curfew) uchiriko nedonzvo rekurwisa chirwere ichi.

Veruzhinji vari kukurudzirwa zvakare kuti vasaite chitsokotsoko uye kuti vagare vakapfeka mamasiki kana vachienda panzvimbo dzinoungana vanhu.

Kusvika nemusi weMuvhuro, vanhu 8 561 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 muZimbabwe mushure mekuvhenekwa kubva pakatanga denda iri muna Kurume gore rino.

Pavarwere ava, 8 023 vakatopona asi vamwe 254 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey