‘TAGADZIRIRA LIVERPOOL’. . . tichigara hedu kuStodart: Chipandu

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘TAGADZIRIRA LIVERPOOL’. . . tichigara hedu kuStodart: Chipandu Chikwata cheZimbabwe Netball icho chinozivikanwa nekuti maGems.

Kwayedza

Veronica Gwaze
MUMAZUVA makumi matanhatu nemana ari kutevera, chikwata chenyika chemutambo wenetball – icho chinozivikanwa nezita rekuti maGems – chichange chotatsurana nedzimwe shasha dzemutambo uyu kuLiverpool, kuEngland.

Nyika gumi nenhanhatu dzichakwikwidza munhandare yeEcho Arena kubva musi wa12 kusvika 21 Chikunguru uye gadziriro dzemutambo mukuru uyu dzasvika kwamvura yacheka makumbo.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Netball Association, Leticia Chipandu, anoti ari kushushikana nekugunun’una kuri kuita vamwe vatsigiri vemutambo uyu.

Izvi zvinobva pakuti mazuva mashoma adarika, vamwe vatsigiri vakanyunyuta vachiti sei maGems ari kugara kuMbare munguva yegadziriro dzavo?

Gurukota revechidiki, mitambo nezvekutandara, Dr Kirsty Coventry, vakanyorawo padandemutande reTwitter vachiti, “. . . kubva zvandakagara pasi nevatungamiri venetball gore rakapera muna Mbudzi, gadziriro dziri kufamba negwara chairo.

“Takavavimbisa rutsigiro rwuzere maringe neWorld Cup uye nazvino tiri kuvatsigira uye hatisi kuzosanduka.”

Chipandu anoti Hurumende iri kuvatsigira zvizere pagadziriro dzechikwata ichi.

“Hurumende iri kutsigira zvizere chikwata chemaGems mugadziriro dzeWorld Cup yatatarisana nayo munaChikunguru.

“Pari zvino, (Hurumende) yakatobhadhara imwe yemari inodiwa kuti tikwanise kukwikwidza mumitambo iyi.

“Imwe yemari yasara, Hurumende yakavimbisa kuti ichabhadhara zvizere nenguva inodiwa,” anodaro Chipandu.

Pari zvino chikwata ichi chiri kuUganda uko kwachiri kukwikwidzana necheko cheShe Cranes segadziriro dzeWorld Cup.

Chipandu anoti kuburirira kwerwendo urwu kunoratidza kuti Hurumende iri kutsigira zvizere chikwata ichi.

Panyaya yekugara kwemaGems kuMbare, Chipandu anoti Mbare Stodart Netball Complex ine nhoroondo yakakosha kuvatambi.

“Munhandare yeStodart Netball Complex mune hudzamu hurimo kuvatambi venetball, nhoroondo yatinovimba kuti yakatikoshera patiri kugadzirira World Cup.

“Takakokwa kunzi tiuye kuzogara kuBelvedere Technical Teachers’ College nekuZESA Training Grounds asi nzvimbo idzi takati tichazodzishandisa pane dzimwe gadziriro.

“Stodart zvakare ndiyo nzvimbo inozivikanwa nevatsigiri vedu, naizvozvo takaona zvakakosha kuti tigare ikoko kuitira vatsigiri,” anodaro.

MaGems anotarisirwa kusimuka musi wa7 Chikunguru akananga kuEngland.

Mukuenda mhiri kwemwakungwa, Chipandu anoti shuviro yavo ndeyekuti vasikana vose vari makumi maviri vari kuita gadziriro vaende.

Pagadziriro idzi, ndipo pachabviswa gumi nevana vachanotamba kuWorld Cup.

“Tinoda kutakura chikwata chose pakuenda kuEngland.

“Aka ndekekutanga kuti Zimbabwe isvike kuWorld Cup naizvozvo tinoda kuti vatambi vedu vaende vaine zvakakwana zvokunotambisa zvichireva kuti isu tinofanira kutsigirana neHurumende mukutsvaga rubatsiro,” anodaro Chipandu.

Patience Kabanda wekuSports and Recreation Commission anotsinhira kuti gadziriro dzechikwata ichi dziri kufamba negwara kwaro.

Anoti ZINA yakatoendesa magwaro ehurongwa hwayo naizvozvo Hurumende iri mubishi kuti igadzirise zvose zvinodiwa.

“Zvinosuwisa chaizvo kuti vamwe vari kutaura zvakasunama maringe negadziriro idzi, asi zvinova zvisiri izvo zviri kuitika.

“Gadziriro dziri mugwara uye seSRC, tiri kuvatsigira zvizere nekuvapa zvose zvinodiwa.

“Tinovimbisa kuti vasikana vachafamba zvakanaka kunomiririra nyika,” anodaro Kabanda.

Kumutambo weWorld Cup uyu, Zimbabwe yakaiswa muchikwata cheGroup A pamwe chete nenyika dzinoti Australia, Northern Ireland neSri Lanka.

Zimbabwe yakabudirira kupinda mumakwishu aya mushure mekunge yakunda mumitambo yemaAfrican Championships akatambirwa kuZambia muna Gunyana gore rakapera.

Uganda, South Africa neMalawi dzichanokwikwidzawo kuWorld Cup.

Share This:

Sponsored Links