‘Takamuudza kuti ongororwa ropa’

17 Jul, 2014 - 16:07 0 Views
‘Takamuudza kuti ongororwa ropa’

Kwayedza

Catherine Murombedzi
MUKUTAURWA kweshoko rinovaka uye rinopa hupenyu  kana kuti totaura tichiti mukuyambirwa kwemunhu maererano nekurarama kwake, kuzvitambira kwake kunozvara hupenyu hwakanaka tikatora kutaura kuri kuitwa nevechidiki mazuvaano vanoti “ane hupenyu hurefu”.

Vanobva vatokumhoresa vakapfumba chibhakera iwewo uchimhoresawo nechibhakera kuratidza kufara nerukudzo,  ndiko kupindana kwemazuvaka uku.

Hupenyu hurefu hwakanaka haubve mukuva nematanga anopfakanya zvipfuwo kana kuva nemazimari anofashukira kumabhangi asi kuva nehutano hwakaringana.

Haungagone kushandisa pfuma yaunayo une mufaro kana hutano hwako huchikushaisa hope.

Mumwe musi ndichiuya kubasa ndakaona vamwe amai vanova muvakidzani wedu, ndinotovati amai nekuti ndiri zera remwana wavo. Ndakamira ndikavabvunza kuti vaienda kupi vakadairawo kuti kudhorobha kunova kwandaiendawo semunhu aienda kubasa.

Amai ava munhu anozvigarira mumba mavo nekuti havafambe-fambe saka kuvaona kwacho kwakatooma.

Mukaonana pakadai panotaurwa nyaya dzakawanda munguva diki- diki.

Mukutaura kwataiita umu ndimo makabuda yambiro yavakapa wemushandi wavo wemubindu uyo ave musvitsa yechitatu nekuda kwekufirwa nemadzimai maviri mushure mewaainaye.

Gore rapera, ndakambonyora nezvemurume iyeyu anoshanda pamba paamai ava pamusoro pekufirwa nemudzimai uye achipawo vamwe baba maARV semunhu ari kupa mazhanje.

Ndisati ndaenderera mberi, yambiro ndeyekuti maARV haagovanwe sechikari chehwahwa nekuti zviri munaTambaoga zvakasiyana nezviri munaJekanyika ipapo tipabatisise nekuti ndipo panozobva kutaura kuti maARV haashande iwe wanwa asingaenderane nemuviri wako izvo zvinozosvitsa pakugumirwa nehupenyu.

Ndodzokera kumusoro wenyaya ino, heino hurukuro yandakaita namai vaya.

“Mwanangu tinongoonana munzira sevanhu vasina dzimba wakadii hako nebasa?” ndiwo matangiro akaita hurukuro yedu.

“Gara zviya unoshanda kubepanhau, ndakangonzwawo namukoma Soromoni nekuti vanotaura nasekuru vanoshanda pamba penyu chaizvo”.

Ndakangoti hongu uye ndichibva ndabvunzawo kuti komudzimai wavo akadii hake nekuti ndainge ndavane mazuva ndisingamuone nekuti anouya kumba kwangu zvakanyanya sezvo  vanowadzana nemudzimai wasekuru vanoshanda pamba pedu.

“Ariko kumba asi mazuva apera ayo ainge ari kumusha achikohwa. Unoziva mwanangu zvandakazoita handizive kuti zvinobvumirwa here nemutemo, unoziva mukoma Soromoni vakafirwa nemadzimai maviri vasati varoora mudzimai wavainaye izvozvi,” vakadaro.

Ndakadaira kuti hongu nekuti ndaida kukasira kunzwa zvandaifungidzira kuti ichokwadi nekuti tainge tava kutopinda mudhorobha.

“Unoziva mwanangu hapana asingasazive kuti HIV iriko ndakaona zvakakodzera kuti ndibvunze mudzimai wake kuti wakamboongororwa ropa nezveHIV here akati kwete ndikamuti enda kukiriniki unotariswa ropa.

Akaenda nhasi uno ava kunwawo maARV nekuti murume aiita sechimumu kwaari,” vakadaro.

Semaonero angu, dai mudzimai uyu asina kupihwa  yambiro aiitoita wechitatu kwamupfiga nebwe.

Taurira mumwe wako mamiriro ako.

Zvandaifungidzira zvakabuda pachena nekuti kwandiri yaiva fungira mumwoyo rwendo rwembwa.

Usamirire kuudzwa kana kuyambirwa kuti uzive zvauri pamusoro peHIV, gara uchiziva chiri kufamba muropa rako kuti uve nehupenyu hurefu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>