Takanganiswa neCovid: NBSZ

26 Nov, 2020 - 16:11 0 Views
Takanganiswa  neCovid: NBSZ Esther Massundah

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NATIONAL Blood Service of Zimbabwe (NBSZ) inoti kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kwakanganisa zvirongwa zvayo zvekuti veruzhinji vape ropa zvichitevera matanho akatorwa ekurwisa denda iri ayo anosanganisira kuti veruzhinji vasambe-fambe uye vagare kudzimba (lockdown).

Mashoko aya akataurwa nemusi weChitatu naAdvocate Rodgers Matsikidze, vanova sachigaro weNBSZ pazuva rekupa mibairo yekutenda kuvanhu vapa ropa kwemakore mazhinji.

Vanhu ava vanosanganisira VaJillian Buss avo vapa ropa kanokwana ka275 naVaLeo Ngezimani – mutema wekutanga kupa ropa kanokwana ka200 muZimbabwe.

Vamwe ndiVaEdward Mwase vakapa ropa ka125 kuchizoti Muzvare Sophie Mutandwa ane makore 30 ekuberekwa uyo apa ka25 zvichifambirana nechirongwa chaaitungamiririra chePledge 25.

“Tinofara zvikuru nekuzvipira kuri kuita vanopa ropa ava vava nemakore akawanda vachititsigira chinangwa chekuchengetedza upenyu. Zvisinei nekuti munyika mune denda reCovid-19 iro rakanganisa mabasa mazhinji – kusanganisira kupa ropa – ava vakaramba vakamira nesu kuti ropa risashaikwa kana kushomeka kumizinda yedu,” vanodaro.

Adv Matsikidze vanoenderera mberi vachiti, “Kupa ropa kunochengetedza upenyu hwemunhu wose anenge arasikirwa naro mungava mutsaona, panguva yekusununguka kana kungoshomekekerwa naro nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.”

Muzvare Lucy Marowa, avo vanova chamangwiza weNBSZ, vanotenda vose vanozvipira kupa ropa, kunyanya panguva iyo nyika ino iri kurwisa Covid-19.

“Tine nguva dzatakambokundikana kufambisa basa redu rekuendesa ropa uye zvinobva muropa (blood products) seplasma nezvimwe kunzvimbo dzaraidiwa nekuda kwematambudziko sekushaikwa kwemidziyo yekuvheneka ropa (test kits) nekushaikwa kwemagetsi. Pamusoro pezvo, kunyuka kweCovid-19 kwakauya nemitemo inomisa kufamba kwevanhu izvo zvinoita kuti vamwe vane shungu dzekupa ropa vagumisire vogara kudzimba,” vanodaro.

Mukushi wemashoko kuNBSZ, Muzvare Esther Massundah vanoti vane hurongwa hwekuunganidza ropa rakawanda, kunyanya zvichitevera kuswedera kwaita zororo reKirisimasi neGoredzva apo ropa rinodiwa rakawanda.

Chirongwa chekupa ropa ichi chichaitwa kwemwedzi miviri kusvika musi wa27 Ndira 2021.

VaBuss vanoti vakatanga kupa ropa mugore ra1975.

“Kubvira mugore iri handina kana kumbomira saka ndinofara zvikuru kuti nhasi ndawaniswa mubairo wekucherechedza kuzvipira kwangu mukuchengetedza upenyu,” vanodaro.

VaNgezimani vekwaMutare vanoti vakatanga kupa ropa mugore ra1982.

“Ndakatanga kupa ropa ndichiri kuchikoro ndichiita kunge dambe, asi zvakazondipinda zvekuti kana ndikaregedza kupa ropa ndinotonzwa kuti ndine chimwe chinhu chandisina kuita,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey