Takanganiswa neCovid: Vavezi

17 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Takanganiswa neCovid: Vavezi Muzvare Vivienne Prince (kuruboshwe) vaine dzimwe nhengo dzesangano ravo avo vanoita zvekuveza

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VANHU vanorarama nemabasa ekuveza matombo vanoti basa ravo harisi kufamba zvakanaka kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 sezvo pari zvino pasina vashanyi vanobva kunze kwenyika vari kuuya vachitenga zvigadzirwa zvavo.

Vamwe vanoveza vari kuchema nemamiriro ezvinhu ndevanoshandira panzvimbo yeAirport Arts Centre iri kuHatfield, muguta reHarare.

Nzvimbo iyi ine vanhu vanodarika 20 vanorarama nekuveza.

Mumwe wevanovezera apa, VaWellington Chingondi (48) avo vanogara kuEpworth, vanoti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka mubasa ravo kubva pakatanga kunzi vanhu vagare kudzimba senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Basa redu rekuveza matombo rava nenguva risingafambe zvakanaka sezvo tichirarama kuburikidza nevashanyi vanouya muno vachibva kunyika dzemhiri, kusanganisira vamwe vemuno muAfrica. Miganhu yenyika yakavharwa kureva kuti hatina vashanyi vatinokwanisa kuwana izvo zvakonzera kuti zvinhu zvedu zvisatengwe,” vanodaro VaChingondi.

Vanoti vanoveza zvinhu zvinosanganisira shiri, mifananidzo yevanhu, miti nemakomo pakati pezvimwe zvakawanda.

“Kune vamwe vanhu vemhiri vanotipa basa rekuveza vachizotakura zvivezwa zvavo uye vanotibhadhara nemari yekunze. Izvozvi havasi kufamba nekuda kwekuvharwa kwakaitwa miganhu yenyika dzakawanda zvichitevera kunyuka kweCovid-19,” vanodaro VaChingondi.

Muzvare Vivienne Prince avo vanova president nemuvambi wesangano reZimbabwe Sculptors Association vanoti Covid-19 yakanganisa zvikuru mabasa avo.

“Isu sesangano, tinomirira vanoveza nekuvatsvagira kwekutengesera mabasa avo nekuona kuti zvavanoveza ndizvo here zviri kudiwa nevanotenga. Saka tinovapa ruzivo rwezvinhu zvinodiwa panguva dzakasiyana nekwazvinodiwa uye nemari yavanogona kuzvitengesa nayo.

“Asi, zvose izvozvi hapana chiri kufamba nekuda kwekuti vanhu havasi kufamba uyewo miganhu yenyika yakavharwa uye dzimwe nhandare dzendege hadzisi kushanda. Izvi zvinoreva kuti basa rose rakamira,” vanodaro Muzvare Prince. Sangano ravo rakavamba homwe yekubatsira nhengo dzaro mune zvakasiyana inonzi Covid-19 Sculptors Aid.

Share This:

Sponsored Links