‘Take Money’ ogara musango

26 May, 2022 - 20:05 0 Views
‘Take Money’ ogara musango Kudakwashe 'Take Money' Chiwandire

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yechidzimai ari iye zvakare ane bhande eWBC Interim Champion – Kudakwashe Memory “Take Money” Chiwandire – ari kugara musango apo ari kusimbaradza gadziriro dzekurwira kuchengetedza bhande iri munaNyamavhuvhu.

Zvichitevera kukunda kwaakaita Cathrine Phiri wekuZambia nguva yadarika ndokubva ahwina bhande iri, vatambi vazhinji vekuMexico vari kuda chaizvo kurwa naChiwandire asi haasati asarudza kuti osangana neupi.

Maneja waTake Money anovazve murairidzi wake, Clyde Musonda, weDeltaforce Boxing Promotions anoti Chiwandire ari kusimbaradza gadziriro dzake nekuti mutambo waatarisana nawo mukuru uyo anofanirwa kuhwina kuti arambe achisimukira.

Anoti kune vatambi vakawanda vekuMexico vari kuda kusangana naChiwandire nekudaro vachasarudza mutambi wavanoda uyo vachazivisa kupera kwesvondo rino.

“Kuhwina kwaKuda kwavhura mikana yakawanda zvikuru nekuti kutaura kuno kune vatambi vekunyika dzakawanda, kunyanya vekuMexico, avo vari kuda kusangana naTake Money.

“Isu hatisi kuda hedu kumhanya kutaura kuti tinoda kusangana nemutambi upi. Tiri kuzvipa nguva yekunyatsoongorora vatambi vakasiyana pamwe nekutsvaga ‘dhiri’ rakanaka rinobatsira kushandura upenyu hwaKuda pamwe nekumusimudzira,” anodaro Musonda.

Anoenderera mberi achiti, “Pari zvino Take Money ari kugara musango umo ari kuita gadziriro dzake.

Hatisi kuda chinomukanganisa saka tiri kuda kuti angofunga zvemutambo wake watakatarisana nawo.

“Ndizvo zvimwe chete nepataiita gadziriro dzemutambo waPhiri, takaita nguva tichishanda naye achiita gadziriro dzake kure neruzhinji.”

Musonda anoti kunyangwe hazvo vasati vasarudza mutambi achazosangana naTake Money, mutambo wake uchatambwa nemusi wa20 Nyamuvhuvhu kuHarare International Conference Centre (HICC).

“Hatisati tave kutaura zita remutambi waachasangana naye iye zvino asi chatinoda kuti vatsigiri vedu vagare vakatarisira kuona shasha yedu ichirwira kuchengetedza bhande rake muno paHICC musi wa20 Nyamavhuvhu.

“Tinoziva kuti akarwa pamberi pevatsigiri vake ari mumusha make anohwina chete,” anodaro Musonda.

Share This:

Sponsored Links