‘Take Money’ onosimbisa mbabvu kuSA

06 Aug, 2022 - 08:08 0 Views
‘Take Money’ onosimbisa mbabvu kuSA KUDAKWASHE ‘Take Money’ Chiwandire

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yetsiva yeWorld Boxing Council Super Bantamweight – Kudakwashe Memory “Take Money” Chiwandire – ari kusimuka akananga kuSouth Africa nemusi weMuvhuro uko achanogara masvondo maviri achiita gadziriro dzemutambo wake naZulina Munoz wekuMexico uyo ari kuda bhande rake.

Vatambi vaviri ava vacharwira bhande iri reWBC nemusi wa27 mwedzi uno kuHarare International Conference Centre.

Maneja waChiwandire ari zvakare murairidzi wake, Clyde Musonda anoti mwedzi uno wakakosha zvikuru kuna Chiwandire pamwe nemhuri yose yeZimbabwe sezvo achiti achanyora nhoroondo nekukunda Munoz.

“Tiri kuenda kuSouth Africa kwemasvondo maviri uko tichanosimbaradza gadziriro dzedu dzekusangana naMunoz. Mwedzi watapinda uno waNyamavhuvhu mukuru kwatiri nekuti tiri kuda chaizvo kuti bhande iri rirambe riri muno uye tiri kuvimbisa kuti richaramba riri muno.

“KuSouth Africa tiri kunosimbaradza gadziriro dzedu sezvo pasara mavhiki mashoma kuti mutambo wedu naMunoz uchisvika. Saka tichanotamba mitambo yehushamwari yakawanda (sparring) nevatambi vekuSouth Africa iyo ichabatsira Take Money mugadziriro dzake,” anodaro Musonda.

Take Money akakwisa kuhwina mutambo uyu apo achasangana naMunoz, anobva apihwa mukana wekurwira bhande reWBC Super Bantamweight Gold iro rina Yamileth Mercado wekuMexico zvekare.
Akahwinha bhande reWBC Super Bantamweight Interim mwedzi yadarika zvichitevera kukunda kwaakaita Catherine Phiri wekuZambia.

Kuhwina kwaakaita bhande iri kwave kumuzarurira mikana muupenyu hwake.

Share This:

Sponsored Links