Take Money orongera Mercado

26 Jan, 2023 - 11:01 0 Views
Take Money orongera Mercado Kudakwashe Chiwandire

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva ine mukurumbira pasi rese — Kudakwashe Memory “Take Money” Chiwandire — atanga gadziriro dzekurwira bhande reWorld Boxing Council (WBC) Gold izvo zvichamuona achibandana naYamileth Mercado wekuMexico uyo ane bhande iri pari zvino.

Take Money ave nemukana wekuve mutambi wetsiva wekutanga kubva muZimbabwe kuhwina bhande guru reWBC Gold, asi hunge akakunda Mercado.

Vatambi vaviri ava vari kutarisirwa kusangana munaKurume uye mutambo wavo uchatambirwa kuMexico.

Take Money akawana mukana wekusangana naMercado, uyo ane makore 24 ekuberekwa, zvichitevera kukunda kwaakaita Zulina Munoz wekuMexico zvakare muno kuHarare International Conference Centre (HICC) gore radarika ndokubva achengetedza bhande rake reWBC interim title.

Bhande iri akarihwina gore radarika apo akazvambaradza Cathrine Phiri wekuZambia kumusha kwake ndokusiya mutambi uyu akazvimba kumeso mutambo wapera.

Murairidzi waTake Money arizve maneja wake, Clyde Musonda weDeltaforce Boxing Academy, anoti gadziriro dzekuti mutambo waTake Money naMercado uitwe dzave padanho repamusoro.

Anoti muhurukuro dzavange vachiita nechikwata chaMercado vakaudzwa kunzi kondirakiti yemutambo uyu iri kumagweta ake uko iri kumbozeyiwa.

“Tiri pakati pekuita hurukuro nechikwata chaMercado, tamirira kuti vachitipa kondirakiti tisaine mutambo tobva taziva kuti wave kubudirira manje.

“Muhurukuro yandakapedzisira kuita nechikwata chaMercado, vakandiudza kuti kondirakiti iri kumagweta avo.

Yamileth Mercado

Saka mumazuva mashoma anotevera vachatitumira, ipapo tenge tave kupinda mugiya dzvuku rekuita gadziriro dzedu takanangana nemutambo uyu.

“Asi chatiri kuziva chatakawirirana ndechekuti tichasangana naMercado munaKurume uye mutambo uyu uchatambirwa kuMexico,” anodaro Musonda.

Anoti pamutambo uyu, Take Money achawana mari yakanaka zvinoenderana nezita rake kusiyana nezvakaitika gore radarika apo akasangana naPhiri akangopihwa US$1 000 chete.

“Hatichatambire nzungu isu, tiri kutotora mari chaiyo inoenderana nechimiro chave naTake Money chekuve shasha yetsiva pasi rino.

“Kana tave nekondirakiti, tichazivisa pachena kuti Take Money achawana marii kubva mumutambo uyu,” anodaro Musonda.

Zvakadaro, Mercado — uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti La Yeimi — atamba mitambo 23 kubva zvaakatanga tsiva mugore ra2014 uye akakwanisa kuhwina 20 achikundwa mitatu.

Mutamb o waMercado wekupedzisira akasangana naMariana Juarez uyo waakakunda munaGumiguru.

Nerimwewo divi, Take Money mutambo wakewo wekupedzisira waive munaGumiguru apo akakunda Munoz ndokuchengeta bhande rake reWBC interim title.

Take Money akwanisa kutamba mitambo mipfumbamwe, ndokuhwina mitanhatu akakundwa miviri nekuita mangange mumwechete.

Share This:

Sponsored Links