Talia akadadisa kuUs

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Talia akadadisa kuUs

Kwayedza

— Mwana wepaDominican Convent akadzoka nemenduru mbiri

Abel Ndooka —
KASIKANA kane makore 10 okuberwekwa ako kari kuita Grade 7 pachikoro cheDominican Convent, muHarare kari mudenga rechinonwe zvichitevera kuhwapura kwakakaita menduru mbiri – yesirivha neyebhuronzi – apo kaive kakamirira Zimbabwe kumakwikwi eWorld Championships of Perfoming Arts ayo akaitirwa kuUnited States nguva pfupi yadarika.

Talia Chonyera akahwinha menduru yesirivha mumakwikwi egymnastics kozoti yebhuronzi mumakwishu emodelling uye makwikwi aya akaitirwa kuHollywood.

Talia akabatsirwa nemari nekambani huru mune zvenhau munyika muno – yeZimpapers, iyo inova varidzi vebepanhau reKwayedza – pakati pemamwe makambani, kuti akwanise kuenda kumakwikwi aya.

“Handina kumbobvira ndazvifungira kuti ndichasvika padanho iri.

“Amai vangu vakauya kumba rimwe zuva ndokundiudza kuti kune makwikwi ari kusarudzwa vanhu vanozonomirira Zimbabwe kuUSA, ini ndikaenda nemun’ina wangu – Malia. Ini ndini ndakakwanisa kupinda iye akasara. Zvakandirwadza kuti Malia asara asi ndakazongoenda ndikanokunda,” anodaro Talia akapfeka chiso chizere nemufaro.

Kasikana aka kari muchikwata cheZimbabwe Gymnastics Team uye kari kutarisira kuenda kunokwikwidza kumitambo yeZone 6 Championships iyo ine zvikwata zvinosanganisira Namibia, South Africa, Botswana, Angola neMozambique ichaitwa kuNamibia muna Zvita wegore rino.

Talia akatanga kukwikwidza mumagymnastics aine makore mana okuberekwa.

Anoti vabereki vake pamwe chete nemunin’ina wake vanomubatsira zvikuru mukusimukira kwaari kuita mumutambo uyu.

“Mhuri yangu inoshanda zvakasimba mukundibatsira kuti ndisvike pandava apa uye pasina ivo, hapana kwandaisvika.

“Ndinorangarira ndichienda kuUSA, vakandiudza kuti ndisatye, ndiende ndinovaratidza kuti ndiri shasha uye ndigodada nekwandabva. Izvi ndizvo chaizvo zvandakaita.

“Iye zvino ndinofara zvikuru kuti kushanda kwandiri kuita kuri kuunza pundutso muupenyu hwangu,” anodaro.

Talia anoti zuva raasingakanganwe ndeiro raakatanga kusarudzwa kupinda muchikwata cheZimbabwe.

“Handikanganwe zuva randakatanga kusarudzwa kupinda muchikwata cheZimbabwe, makwikwi acho ekusarudza vatambi ainge akaoma zvikuru asi ndakakwanisa kusarudzwa. Handife ndakarikanganwa zuva irori.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey