‘Tambai bhora vakomana’

10 Jan, 2022 - 10:01 0 Views
‘Tambai bhora vakomana’

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenhabvu chenyika chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi na3pm masikati apo chichasangana necheSenegal mumutambo wacho wekutanga weTotal Energy Africa Cup of Nations 2021.

Zvikwata zviviri izvi zviri muboka rimwe chete reGroup B umo mune zvimwe zvinoti Malawi neGuinea.

Mutungamiri weFriends of the Warriors – Edward Chimedza – anoti mutambo watsvuka ropa.

“Sevatsigiri venhabvu, tiri kufara zvikuru mutambo watange takamirira wasvika. Tinoti kumaWarriors basa ngaribatwe, musavhundutsirwe nemazita evatambi veSenegal. Isu titoriwo shasha uye kuti tive kumutambo uyu tinotorakidza kuti tiri nyanzviwo.

“Gore rino, kekutanga tinoda kuona chikwata chedu chichibudirira kubuda muboka racho chichifambira mberi mumutambo uyu.

“Asi tiri ipapo, tiri kukurudzira vatsigiri kuti ngaticherechedze mutemo, ngatisaungane asi tione mutambo uyu tiri kudzimba dzedu,” anodaro Chimedza.

Kuchiti mutsigiri mukuru wenhabvu ane mukurumbira – Adomsi Mukwasi – anoti maWarriors anotofanirwa kutokunya dzisimbe mumutambo uyu.

“Isu tiri kuti hatinei nemazita evatambi vari muchikwata cheSenegal, basa ngaribatwe maWarriors. Go Warriors Go, tinemi muhondo, Senegal ngairadzikwe pasi,” anodaro Mukwasi.

Chris ‘Romario’ Musekiwa, uyo akasimuka nezuro akananga kuCameroon kunotsigira maWarriors kumutambo uyu, anoti chikwata ichi chinoda rutsigiro rwakasimba.

“Vakomana vedu tinavo, ishuviro yedu kuti vabate basa sebasa. Gore rino, tinotarisira kuti ngavabude muboka ravo timbosvika kure kumutambo uyu,” anodaro Musekiwa.

Mutambo uyu uchange uri wechina maWarriors achisangana neSenegal uye pamitambo mitatu yadarika, chikwata chenyika ichi chakakundwa yose.

Kumutambo weAFCON, maWarriors akasangana neSenegal kaviri, ndokukundwa 2-0 mumitambo yose.

Zvakadaro, sangano reCAF rakazivisa kuti Senegal ichange isina vatambi vayo vane chitsama vanosanganisira Edourd Mendy weChelsea, Kalidou Koulibaly weNapoli naNampalys Mendy weLeicester City sezvo vakabatwa nedenda reCovid-19.

Share This:

Sponsored Links