Tambai nezvimwe, kwete naMwari

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Tambai nezvimwe, kwete naMwari

Kwayedza

MAKORE ano kwava nemaporofita ari kungonyuka achiti ari kushandiswa nemweya waMwari uye vamwewo ndivo vari kuzvifananidza naJesu Kirisitu. Sesvondo rino, tine nyaya yemurume wemuHarare uyo ari kuzviti ndiye mwari. Sekutaura kwemurume uyu, anoti akafa akazomuka mushure memazuva maviri nyama yake isina kuwora. Zvinotonetsa kuti unzwisise kuti munhu azosvika pakuzviti ndiye Mwari zvinenge zvichimbofamba sei.

Kuti uti kurasika njere kana kuti munhu anenge adyei, unobva wazvishairwa shumo yazvo. Chimwe chinoshamisa ndechekuti unotona vanhu vane pfungwa dzakati kwesere vachitevera vanenge vachizviita Jesu Kirisitu ava kana kuti mwari.

Makore adarika, mumwe musikana wekuGuruve akazviti ndiye Jesu uye vanhu vakawanda vakamutevera.

Mbiri yemusikana uyu yakambosvika kure asi nhasi uno hapana anoziva kuti zvakazofamba sei.

Mumwewo murume wemuHarare, Talent Madungwe, akamboita mukurumbira achiti akaenda kudenga kaviri achinoita musangano naMwari. Vaverengi vaKwayedza vakaguma vomuti ane dzisina kuti kwesere! Kwouyawo murume wekuMarimba, muHarare zvakare, ari kuzviti ndiye Jesu Kirisitu.

Inga Bhaibheri rinotaura pachena kuti kana Jesu Kirisitu odzoka kechipiri zvichaonekwa nemunhu wose uye pasi rose.

Ko zvino avo vanogozviti ndana Jesu kuGuruve nemuHarare zviri kubva nepi? Nhasi uno mumwewo ave kufuma achiti ndiye Mwari mbune? Vanhu ngavazive zvekutamba nazvo, kwete kutamba naMwari.

Zviri pachena kuti vose vari kuzviti ndivo Jesu Kirisitu kana kuti Mwari vane zvinangwa zvekutsvaga mbiri asi magumo acho vanozozvidemba.

Mwari haazi wekuita dambe naye uye ane mwoyo murefu pamwe nemwoyo wekuregerera izvo zvinoita kuti vamwe vanhu vafunge kuti kana vakatamba nezita rake zvinongopera zvakadaro.

Kana munhu akatadzira mumwe, panogona kuita anokwanisa kuvayananisa senzira yekugadzirisa zvinenge zvichinetsa pakati pavo. Ko zvino munhu akatadzira kana kumhura Mwari ndiani anokwanisa kumuyananisa? Vose vari kutamba nezita raMwari ngavazive kuti vacharangwa kunyangwe zvazvo shamhu yaMwari ichinonoka nekuti ane mwoyo murefu, anoda kuti vanhu vatendeuka kubva muzvivi zvavo. Hazvina kunaka kutsvaga mbiri yakafanana nechitsiga chemoto isina kwainoenda. Zvakakoshawo kuti veruzhinji vasangotenda avo vanozviti maporofita nekuti vakawanda vacho ndevenhema uye varipo bedzi kunyengedza vanhu nekuvarozva upfumi hwavo.

Kune vamwe vanhu vari kubatiswa mabasa anokunda ngoma kurira nevamwe vari kuzviti maporofita. Chazobuda hapana, dzinongova nhamo bedzi! Mamwe emaporofita aya ari kukonzera kuparara kwemhuri nekuda kwemanyepo avo mushure mekunanga vanhu huroyi.

Mwari mumwe chete nekudaro kurotomoka chaiko kuti munhu akazvarwa nemurume nemukadzi nhasi uno anofuma ozviti ndiye mwari.

Tambai nezvimwe vanhuwe!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>