Tambai zvakanaka, chikudo kwete

12 Mar, 2021 - 09:03 0 Views
Tambai zvakanaka, chikudo kwete

Kwayedza

Vana vakatamba chikudo pamusha une vakuru vanotsiurwa kuti vatambe zvakanaka. Kutsiura vana kunoita kuti vasakuvadzane.

Chikudo ndiwo mugariro wemhuri dzemapfeni. Makudo anogara achirwisana pamusana pezvekudya zvaanosangana nazvo mudondo imomo. 

Asi zvinoda kuzivikananwawo ndezvekuti makudo anogara semhuri sezvatinoitawo isu vanhu. Kana asvika panguva yekudya kana kumwe kurarama, baba ndivo vanotanga zvose, vamwe vanotozowanawo kana vakuru vemusha vangoti nzve. 

Zvino nhamo ndeyekuti kashoma kuti vakuru vambobva pamhuri yavo. Apa ndipo panotangira chamutengure chose. Musikirwo wemhuka dzose, kusanganisira vanhu ndewekuti kana nguva yakwana, yakwana. Kana nzara yabata, inenge yabata. 

Horomba yegudo ikaona zvadaro ndipo painotanga kurwisa mhuri yayo. Akurirwa anotandaniswa pamusha. Asi nyakutandaniswa haazorore kutsvaga mazano ekuti adzoke kumhuri yake yaanoziva. Kutanga hukama neimwe mhuri mazino chaiwo. 

Nokudaro kurwisana pamusana pehukuru pamhuri dzemapfeni ziendanakuenda, hakupere. Nyaya yezviwanikwa ndiyo inorwirwa kazhinji mumhuri yematiro.

Matambiro echikudo haaperere kuvana vadiki chete, asi anowanika nekuvakuru zvakare mudzimba dzedu, makambani edu matunhu kana munyika chaimo nezvikonzero zvakasiyana. 

Vana vasingatsiurike kuita chikudo idambudziko kuvabereki vavo, vavakidzani, makambani avanosevenzera, kana mapazi ehurumende avanoshandira, zvikuru vakazowana mabasa epamusoro ekutungamira vamwe. Hapana chinobuda mukutamba chikudo nokuti ndiko kunoperera simba rekushandira kambani kana kushandira nyika. Havana nguva yekuona kuti ko basa rasvika papi, ko vana vadyawo here muswere wose wezuva, vhiki, gore, zvichingoenda zvakadaro.

Vadiki kumamisha kwatakakurira vanoti vakarwisa mombe kumafuro kana kudhibha, nyaya yacho haiperere ipapo, inotozosvika pakuratidzana masimba kwemukomana ane mombe yakurirwa neyakurira. Pakashaya mukuru adzora, vanosvika pakukuvadzana nenyaya yekurwisa mombe chaiyo.

Vamwewo ndivo vanorwisana kuti wapfudzireyi zamu ramai vangu remavhu. Aya mabasa anokurudzirwa nemhesvamukono. Mhesvamukono dzinofutidza moto kuti unyanye kubvira pavanhu vasina kumbodenhana. 

Vazhinji vedu vari kumabasa ekutungamira vamwe mudzimba, mumatunhu, makambani, kana mapazi ehurumende, vari kurwisana nyaya dzevamwe dzavasingazivi kwadzabva. Kune mhesvamikono dzinenge dzichitonakidzwa nekurwisana uku.

CHENJEDZO:

Dare rino rinoti isu vatungamiri ngatisvinurei maziso edu tione kuti takatanga misha yedu kuti tirwisane nevamwe here, takatsvaga mabasa edu kuti tishaisane rugare here, kana kuti takaita zvese izvi kuti tichengete mhuri dzedu? 

Misha yedu kana makambani edu achifamba zvakanaka, tichagona kuchengeta mhuri dzedu, asi kana zvisingafambe zvakanaka, tichaita mufakose. Tinofa kwese nokuti tichatandaniswa nemhuri pamusha pedu mushure mekunge tatandaniswa kumabasa kwedu zvakare.

Kana taona kuti hatina kunzwisisana, ngatigarei pasi tione patiri kurasana. Ngatitambei zvakanaka, chikudo hachibhadhare. Chinotirasisa zvinangwa zvedu. Chikudo chikatadzwa kubatwa zvakanaka, chinotisvitsa kumakuva.

 Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] mail to:

[email protected]>

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey