TAMIRIRA CHAN, COSAFA: MHOFU

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
TAMIRIRA CHAN, COSAFA: MHOFU Chikwata chemaWarriors

Kwayedza

Abel Ndooka
MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors – Sunday “Mhofu” Chidzambwa anoti panguva ino ave kumbomira kufunga zvemakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) asi kurwira kuchengetedza mukombe weCosafa Senior Men’s Challenge Cup uye nekuenda kumutambo we2020 African Nations Championship (CHAN).

Svondo radarika, maWarriors akabudirira kuenda kumutambo weAfcon uyo uchaitirwa kuEgypt kutanga musi wa21 Chikumi uchizopera musi wa19 Chikunguru.

Chikwata chenyika ichi chakarakasha Congo-Brazzaville 2-0 zvakaita kuti chipedze chiri pamusoro muboka racho  muGroup G.

Aka kachange kari kechina maWarriors achienda kumutambo uyu.

Gore rino, zvakawanda zviri kutarisirwa kubva kumaWarriors kuAfcon sezvo makore adarika paakamboenda kumakwishu aya aingokundirwa muchikamu chekutanga.

Mhofu anoti panguva ino ave kumbomira kufunga zveAfcon sezvo chikwata chake chine mimwe mitambo ikoshosha iri kutevera yeCosafa neCHAN.

“Zvinhu zvinofadza kuti tiri kuenda kuAfcon zvakare asi panguva ino tave kufunga zvemimwe mitambo iri kutevera yeCosafa neCHAN.

“Tisu shasha dzeCosafa saka tinoda kurwira kuchengetedza mukombe wedu uyu munguva inotevera apo pachatambwa mutambo uyu,” anodaro.

Anoti mitambo yeCosafa neCHAN anoda kuishandisa kuongorora vatambi – kunyanya vanotambira nhabvu yavo muligi reCastle Premiership – ovapawo mukana wekurwira zvinzvimbo zvakasiyana muchikwata icho achazotakura kuenda nacho kuEgypt.

“Vatambi vatichasarudza kuenda navo kuCosafa neCHAN tinoda kuvapa mukana wekurwira zvinzvimbo muchikwata chevakuru icho chatichatakura kuenda nacho kuAfcon.

“Hatisati tave nechikwata chatichatakura kuenda kumutambo uyu, tichiri kuongorora vatambi vese uye vamwe vasina kumbobvira vambotamba vanogona kutokwana tikaenda navo,” anodaro.

Mutambo weCHAN unotambwa nevatambi vanotambira munyika dzavo chete.

MaWarriors haasati ambohwina mutambo uyu asi mugore ra2014 akasvika kusemi-fainari yemakwishu aya apo airairidzwa naIan “Dibango” Gorowa.

Mhofu anoti zvinonetsa kuti maWarriors ahwine mukombe uyu sezvo pese pavanenge vavaka chikwata chakasimba chinenge chichirwira kuenda kumutambo uyu, vamwe vatambi vanobva vatengwa kunze kwenyika saka zvinotoda kuti vabike vechidiki vakawanda.

Sunday Chidzambwa

“CHAN inonetsa kuti pese patinenge taruka chikwata chedu chevatambi vemuno, tave kugadzirira mumwe mutambi anobva abva atengwa kunze kwenyika, oenda kunotambira kunze. Saka zvinokanganisa gadziriro dzedu dzatinenge tichiita.

“Saka vechidiki ngavabikwe kuti zvisazotinetsa kutsvaga vamwe vatambi vekutsiva vanenge vabva,” anodaro.

Zvakadai, mutambo wemaWarriors neCongo-Brazzaville wainge wakazara nhandare zvekuti pane fungidziro huru kuti sangano rinotungamira nhabvu reZimbabwe Football Association rakaita mari kubva pamutambo uyu.

Mukushi wemashoko weZifa – Xolisani Gwesela – anoti vachiri kumboverenga kuti matikiti akatengwa mangani uye vachabvisa dhora patikiti roga roga rakatengwa voendesa kunobatsira mhuri dzakasangana nemafashamu emvura yaive nedutu guru yeCyclone Idai.

“Tichiri kumboverenga matikiti edu tione kuti akatengwa mangani uye isu tichabvisa dhora rimwe patikiti rese rakatengwa toenda kunobatsira vanhu vakasangana nemafashamu eCyclone Idai iyo yakauraya vanhu kunzvimbo dzakaita seChimanimani,” anodaro Gwesela.

 

Share This:

Sponsored Links