‘Tamirira Senegal’

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Tamirira Senegal’

Kwayedza

AFRICA yose ichange yakatarira chikwata  cheLions of Teranga chekuSenegal nhasi (musi weChina) apo chichasangana neColombia mumutambo wacho wekupedzisira weFifa World Cup Group H, kuRussia.

Kana Senegal ikakwanisa kuhwina mutambo uyu kana kupera uri mangange iri kubva yabudirira kuenderera mberi kumaknockout stages uko ichasangana nechikwata chichahwina mutambo weBelgium neEngland.

Chikwata chemaLions of Teranga chegore rino, icho chiri kutungamirirwa naSadio Mane, chine vamwe vatambi vakaita saIdrissa Gana Gueye.

Chikwata ichi chiri kuedza kutevera mumatsimba echegore ra2002 icho chakasvika kuquarter-fainari yemutambo uyu.

Senegal ndiyo yega chikwata chemuAfrica chasara kumutambo weWorld Cup zvichitevera kuburitswa kwakaitwa zvimwe zvinoti Nigeria, Morocco neEgypt.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nenyanzvi dzakasiyana dzinoongorora nhabvu kuti inzwe pfungwa dzavo maererano nematambiro ari kuita Senegal.

Shasha pakuongorora nhabvu – Charles “CNN” Mabika – anoti World Cup yegore rino iri kunakidza zvikuru uye zvange zvichitarisirwa nevazhinji handizvo zviri kuitika.

Anoti anoona Senegal iine mukana wekuenderera mberi asi hunge ikasatambisa mikana yainenge yawana sezvakaitwa neNigeria iyo yakaburitswa neArgentina musi weChipiri svondo rino.

Mabika anoti mutambo weSenegal uchange wakaoma zvikuru saka chikwata ichi chiri kutofanirwa kutokunya dzisimbe nekuti Colombia hachisi chikwata chekutarisira pasi sezvo chakasimbisisa izvo zvayakarakidza apo yakaumburudza Poland 3-0.

“Mukana uripo wekuti Senegal ienderere mberi mumutambo uyu asi hunge ikashandisa mikana yayo nemazvo, kwete kuita zvekutamba nekuti pane basa guru rinofanirwa kubatwa apa.

“Colombia chikwata chikuru, chakasimbisa uye ine huturu nekudaro iri kurwa chaizvo kuti ihwine mutambo wayo uyu kutiwo ienderere mberi.

“Colombia ndinoona hangu ichiremera Senegal mumutambo uyu,” anodaro.

Anoti chinhu chakakanganiswa neSenegal uye neNigeria kutakura vatambi vechidiki vachisiya vakura avo vaigona kubatsira chaizvo mumutambo uyu.

“Zvikwata zviviri izvi pazvakarasika chete kutakura vatambi vechidiki zvichisiya madhara, madhara anodiwawo muchikwtaa nekuti anouya kuzodzikamisa vechidiki uye kusimbisa chikwata.

“Ndizvo ndinoona kuti zvichavakanganisa mumutambo uyu, asi kutamba vange vachitamba havo nhabvu inonwisa mvura,” anodaro.

Mushamarari wenhepfenyuro yeStar FM ari muongorori wenhabvu zvakare – Spencer Banda – anoti matambiro akaita Senegal apo yakakunda Poland 2-1 mumutambo wayo wekutanga anorakidza kuti chikwata ichi chichasvika kana kusemi-fainari chaiko.

“Senegal ichasvika kusemi-fainari chaiko nekuti iri kutamba nhabvu inonwisa mvura.

“Kukunda kwayakaita Poland kwakataura zvakawanda uye kwakarakidza kuti hachisi chikwata chekutarisira pasi,” anodaro Banda.

Zvisinei shasha yakambonetsa ichitamba nhabvu, Moses Chunga, anoti chirwere chine vazhinji vemuno kumhanya kupembedza zvikwata zvevamwe.

“Ndizvo zvatinogona muno kumhanyira kupembedza zvevamwe, ko cheduwo chichaenda rinhi kumutambo uyu?

“Tinoda kuona maWarriors kumitambo iyi toatsigira kusvika apinda kufainari chaiko,” anodaro Chunga.

 

Share This:

Sponsored Links