Tanganda Half Marathon yoitwa

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Tanganda Half Marathon yoitwa

Kwayedza

Abel Ndooka—

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kwaMutare uko shangwaiti dzekumhanya, kusanganisira dzinotarisirwa kubva kunyika dzekunze dzakadai seSpain, dzichakwikwidza mumujaho weAnnual Tanganda Half Marathon.

Shasha dzemarathon dzinodarika 700 dziri kutarisirwa kukwikwidza mumujaho wegore rino uye dzinosanganisira Misheck Sithole – uyo akahwina mujaho wevarume naRudo Mhonderwa akahwina kuvanhukdzi gore radarika.

Operations manager wekambani yeTanganda Tea, iyo iri kukotsvera mujaho uyu – Farai Garayi – anoti vari kutarisira dzimwe shasha dzekumhanya dzichabva kunze kwenyika.

“Gore rega rega tiri kugara tichitambira nhare kubva kunze kwenyika dzeshasha dzinomhanya marathon dzinoda kuuya kuzokwikwidza mumujaho uyu. Izvi zviri kurakidza kuti mujaho uyu uri kukura uye unofarirwa zvikuru.

“Saka isu sekambani tinovimbisa kuti makore anotevera ticharamba tichingoronga mujaho uyu,” anodaro Garayi.

Anoti gore rino kuri kuuya shangwiti dzemarathon dziri kubva kuSpain kuzokwikwidza mumujaho uyu.

“Kutaura kwandiri kuita kuno uku pane vanomhanya vekuSpain vakatonyoresa kuti vari kuuya kuzokwikwidza mumujaho uyu, zvinorakidza kuti wave mukuru uye unoteverwa pasi rose,” anodaro.

Shasha yemujaho wewiricheya Edmund Makutya – uyo anove kaputeni weTeam Zimbabwe – anoti mujaho weTanganda Half Marathon wakakosha chaizvo sezvo uchivabatsira mukuita gadziriro dzavo apo vanozoenda kunokwikwidza kunze kwenyika.

“Mujaho uyu wakatinakira isu nekuti tinogara tichienda kunokwikwidza kunze kwenyika saka tinoushandisa kuita gadziriro dzedu ndosaka tichiukoshesa uye tichienda gore negore kunokwikwidza,” anodaro Makutya.

Mujaho uyu wakareba makiromita 21 uye unomhanywa muMvuma road uchizoperera paMutare Sports Club.

Share This:

Sponsored Links