Tanzwa nenyoka yababa- vanasikana . . . ‘inotiita vakadzi, hatikechwe’

28 Jan, 2021 - 14:01 0 Views
Tanzwa nenyoka yababa- vanasikana . . . ‘inotiita vakadzi, hatikechwe’ Maryu Tsoriyo

Kwayedza

Tendai Gukutikwa naLiberty Dube

NYAYA yehuroyi yakonzera kupesana kweimwe mhuri yekwaMutare zvichitevera kupomerwa kuri kuitwa baba vacho kuti vane zvikwambo zvenyoka izvo zviri kushinha nevanasikana vavo nekukonzeresa mamwe matambudziko.

Vana ava vanoti vave kutopona nekugara vachizora munyu pazvipfeko zvavo zvemukati sekuedza kudzinga mazinyoka anovaita vakadzi aya.

Vanasikana vatanhatu vemhuri yekwaTsoriyo iyo ine imba mumusha unogara shomoroma maMutare — weHospital Hill — vari kubuda pachena kuti vashaya zano rekuita nekuda kwezvikwambo zvababa vavo izvo zvavanoti zviri kushinha navo pamadiro.

Vanasikana ava nemusi weSvondo wadarika pamberi vakakonzera nyonganyonga pamba pevabereki vavo apo vakaenda vachiridza ngoma, kuimba nekutamba vachiti vanoda kuti dambudziko ravakatarisana naro ripedzwe.

Mushure mekunge vafamba kun’anga nekumaporofita, vanasikana ava vanoti vaona zviri nani kunoratidzira kutsutsumwa kwavo kumba kwevabereki vavo.

Vanasikana ava — Mary (44), Shylet (40), Muchanyara (35) naTakura Tsoriyo (30) nevamwe vaviri avo vasingade kuzivikanwa mazita avo — vakaenda kumba kwevabareki vavo vachida kutaura nababa vavo, Raymond Tsoriyo uye naamai, Tsitsi Tsoriyo.

Vabereki vavo vanonzi vakaramba kubuda panze mushure mekunge vazvikiira mumba.
Vanasikana ava vanoti zvikwambo izvi zviri kubatsira baba vavo kuti vawane upfumi kwemakore 44 adarika asi zvichishinha navo nekukonzera mamwe matambudziko.

Upfumi hwemhuri yekwaTsoriyo hunosanganisira dzimba dziri kuFern Valley, Hospital Hill, zvitoro zviviri izvo zvine vanhu vari kurenda kunzvimbo yeMurahwa Green Market iri kuSakubva kwakare kwaMutare nemugodhi wegoridhe.

VaRaymond Tsoriyo vaimboshanda kukanzuru yeMutare City Council vari mutyairi.
Bhaisikopo repachena iri rakaitika pamba paVaTsoriyo nemusi weSvondo uye rakazopera apo mapurisa akashevedzwa ndokutakura vanasikana ava kuenda navo kukamba yeMutare Central Police Station uko kwakavhurwa gwaro remhosva rine nhamba dzinoti RRB 86/2.

VaTsoriyo vakazodzimisa nyaya iyi kumapurisa musi wakare wayamhan’arwa.
Muhurukuro neKwayedza, Mary anoti iye nevamwe vake vari kuoneswa pfumvu nekushinhwa navo nezvidhoma izvi uye zviri kukanganisa wanano dzavo kana rudo nevakomana vavanenge vachifambidzana navo.

Anoti kunyangwe zvazvo ari iye oga akawanikwa, wanano yake yave kuda kuparara nekuda kwekuromba kwakaitwa nababa vavo.

Mary anoti pose paanenge ari muimba yekurara nemurume wake, nyoka dzababa vake dzinouya kuzoshinha naye.

“Zvinouya zvichiita seshato hombe hombe kudarika dzinozivikanwa – dzotanga kushinha nesu. Apo dzinenge dzichishinha nesu, mufananidzo wababa vedu unobva wangoonekwa ipapo.

“Kazhinji murume wangu ndiye anotondimutsa onditaurira kuti “vaenzi” vababa vangu vari muimba yedu yekurara. Kudai pasina kuti murume wangu anonzwisisa, wanano yangu ingadai yakaparara kare kare.
“Ndinoziva mamiriro akaita nhengo dzesikarudzi dzababa vangu nekuti vagara vachishinha neni uye ndinovaona muzviroto zvangu kubvira ndichiri kasikana. Tichikura, baba vedu vaigara vachitiudza kuti mukoma wavo ndiye ane zvikwambo zvinotishungurudza nekuda kweruvengo rwake kwatiri. Pandaive kuchikoro kusekondari, ndakashinhwa neni nezvikwambo izvi uye baba vedu vakati zvaikonzerwa nemukoma wavo,” anodaro Mary achiratidza kushatirwa.

Anoti rimwe gore vakamboenda kun’anga yaive nemukurumbira yekuChipinge – mushakabvu Sekuru Ndunge – vachida kubatsirwa asi vakaramba vachiti dambudziko iri raive guru kwavari.
Shylet anoti pari zvino vari kugara vachizora munyu pazvipfeko zvavo zvemukati nechinangwa chekuti zvikwambo izvi zvisashinhe navo.

“Tinoziva panogara nyoka idzi. Dzinogara pakati pemichero yemubanana kunze kwemba yemudurikidzwa yevabereki vedu. Vanhu vanoroja pamba apa vanotsinhira zvakare kuti vanogara vachiona nyoka idzi. Vabereki vedu vakazoregera kugara kune imwe imba yavo iri kuFern Valley mushure mekunge nyoka idzi dzave kuenda kudzimba dzevavakidzani,” anodaro Shylet.

Vanasikana ava vanoti baba vavo vakabvuma pamberi peimwe n’anga yekuNyanga inonzi Sekuru Shingirai Mukotsanjera kuti vane nyoka idzo dzawanda uye dzinoshinha nevanasikana vavo.

“Vakapupura kuti vakapihwa mushonga wekuzora uyo wakazopanduka kuita nyoka idzo dzinoonekwa sezvikwambo nevamwe vanhu. Vanoti vari kunetseka kuti vasiyane nenyoka idzi. Asi chokwadi ndechekuti havadi kusiyana nenyoka dzavo nekuda kwehudyire hwavo,” anodaro Mary uyo anoti zvakare zvikwambo izvi zvinoba upfumi hwavo.
Nyaya iyi inonzi yakasvitswa kwaMambo Makoni asi VaTsoriyo vari kuramba kuenda kudare iri kubvira munaKurume 2020.
Kwayedza payakazama kutaura naVaTsoriyo nekuda kwenyaya iyi vakabva vachimbidza kubva panhare yavo.
Pavakazoridzirwa nhare kepiri mushure mechinguva chipfupi, mudzimai wavo, Mai Tsoriyo ndivo vakadaira ndokuti murume wavo ainge aenda panze.

Vakakumbirisa kuti kana nyaya iyi yave kubuda mubepanhau, zita remhuri yavo risaburitswe.
“Munoda kuita sei nezvose zvamuri kuda kuziva? Ndapota, kana muchida kubuditsa nyaya iyi, musaburitsewo zita remhuri yedu nekuti tinozivikanwa zvikuru uye munosvibisa zita redu nekuda kwekusanzwisisana nechinhu chidikidiki,” vanodaro Mai Tsoriyo.

“Nyaya iyi inokanganisa mabasa edu.”

Zvisinei, vanoramba kutaura zvakawanda pamusoro pekusawirirana pakati pevanasikana vavo nemurume wavo vachiti vanofanirwa kuzvitaurira voga kuti sei vachinetsana.

Muhurukuro neKwayedza, Sekuru Mukotsanjera vanoti, “Vanhukadzi ava vacharamba vachitambura kana nyoka idzi dzikasauraiwa. Nyoka idzi dzicharamba dzichikonzera minyama muupenyu hwavo uye ndiani anoziva, dzimwe nguva rufu.

“Dambudziko iri rinopedzwa chete nekuparadzwa kwadzo. Baba vavo vanofanirwa kuburitsa zvose zvavanoshandisa uye vobvuma zvitadzo zvavo.”

Share This:

Sponsored Links