Uncategorized

Tapfidza: Hwindi

24 Sep, 2020 - 01:09 0 Views
Tapfidza: Hwindi Learnmore Matasva

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wechidiki wekuMufakose, muguta reHarare, uyo anoita basa rechihwindi anoti hunhu hwakaipa hunoitwa nevashandi vekumakombi hunokonzerwa nenzvimbo dzavanoswera vari, kutora zvinodhaka uyewo nekumba kwavanenge vakakurira.

Zvisinei, anoti kumiswa kwakaitwa makombi kufamba neHurumende nechinangwa chekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kwavapinza mugwara sezvo vapfidza nenzara uye vave kuziva kukosha kwevanhu vavanotakura.

Learnmore Matasva (24) anoti akagumisira ave hwindi mushure mekunge akundikana kuwana basa.

Akataura mashoko aya muhurukuro neKwayedza svondo rapera apo kambani yePower Giants yakabatsira mahwindi nechikafu nezvimwe mumusha weMufakose.

“Zvimwe zvacho zvinofambirana nekumba kwakakurira munhu sezvo hwaro hwemunhu huchiumbwa kumba. Asi, kumbomiswa kwakaitwa makombi kufamba kwatikuvadza nenzara. Tanzwa!

“Tinotenda Power Giants nekutibatsira nezvekudya uyewo nehurongwa hwavo hwekutiendesa kuchikoro chekugadzira magetsi,” anodaro Matasva.

Anoti kuswera kwavanoita vaine mamwe mahwindi kunoita kuti vapedzisire vofurirana kurasa hunhu nekutaura zvinyadzi.

“Kumakombi ndiko kwataiswera tichitaura mutauro wakaipa kusvikira wose anoita zvechihwindi ave kufunga kuti ndizvo zvakanaka. Ichokwadi, vabereki tinotuka nekuvanyepera zvakare pakupinda mumakombi kuti tinosvika kwavanoenda tichizovasiira panzira. Vamwe tinosandudzira pasi vachikuvara.

“Zvimwe zvacho zvinokonzerwa nekuti mahwindi tinogara takadhakwa zvikuru nekuti mari yacho panguva iyoyo yainge iripo,” anodaro.

Matasva anoti kazhinji mahwindi vanofurirana kuti chinenge chaitwa nemumwe vose vanofunga kuti chakanaka pasina anodzora mumwe.

“Hakuna anodzora mumwe kumahwindi. Ndokusaka muchiona vachipara mhosva dzakawanda. Mumwe akangoti hatirovei munhu, tose tinotevedzera.

“Kuchihwindi hakunetsi kuwana basa, saka vechidiki tichimhanyira kumakombi. Seni, ndakabudirira muzvidzidzo zveFomu 4 ndikadzidzira basa rekugadzira magetsi asi basa racho hariwanikwe,” anodaro Matasva.

Panyaya yekusageza muviri zvinoita kuti vamwe vavo vanhuwe muhapwa nekupfeka mapatapata, Matasva anoti izvi zvinokonzerwa nekushaya nguva sezvo vachibva nekudzoka pamba husiku uye vamwe vanorara mumakombi musina mvura.

“Kusageza dzimwe nguva zvinokonzerwa nekushaya nguva sezvo tichiswera pabasa, kupfeka mapatapata kana mapush zvinokonzerwa nekuti ndizvo zvatinokurumidza kuwana zvekutenga zvinofamba nevanhu matinoshandira. Push kana patapata harikurumidze kunhuhwa sezvinoita bhutsu kana ukaita mazuva wakaapfeka usina kugeza.”

Matasva anoti kumbogara kumba uko vaita nekuda kwechirwere cheCovid-19 kwaita kuti vadzidze kushanda zvakanaka neveruzhinji.

“Tarohwa nenhamo kubva mumwedzi waKurume apo tigere kudzimba makombi asingafambe. Tave kuona kukosha kwevabereki avo taituka. Kutaura chokwadi tapfidza uye muchaona panotanga kufamba makombi kuti hunhu hwedu hunenge hwasanduka, tave kushanda neveruzhinji zvakanaka,” anodaro Matasva.

Anobvumawo kuti mahwindi vane katsika kekudanana nevana vechikoro, vamwe vachigumisira vavapa pamiviri kana kuvazadza zvirwere zvepabonde.

“Idambudziko redu tose mahwindi iroro — rekudanana nevana vechikoro. Asi iyi itsika yakaipa zvikuru. Titori nevamwe vedu vari kumajeri nekuda kwemhosva dzekudanana nevana vechikoro.

“Imwe mhosva ndeye vabereki vavo avo vanopa vana mari shoma zvinozoita kuti vana ava vagumisire votsvaga mari kwatiri kana kuda kukwira mota dzedu mahara. Ivowo vamwe vanasikana vacho inzenza, vanoviga mari dzavanopihwa kumba voda kutakurwa mahara nesu mahwindi.

“Ndipo patinotora mukana wekudanana navo ipapo,” anodaro Matasva.

Share This:

Sponsored Links