Uncategorized

Tapinda musvondo rechipiri

07 Apr, 2020 - 09:04 0 Views
Tapinda musvondo rechipiri

Kwayedza

Vanyori veKwayedza

ZIMBABWE nezuro yakatanga svondo rechipiri kubva payavamba chirongwa chekuti veruzhinji vambogara mudzimba kwemazuva 21 kutanga nemusi wa30 Kurume.

Ongororo yeKwayedza nezuro muHarare, kuChitungwiza, kuRuwa nekwaSeke pakati pedzimwe nzvimbo inoratidza kuti veruzhinji vari kunyatsotevedzera zvakatarwa neHurumende kuti vasafambe-fambe asi kuti vagare mudzimba, vachikoshesa hutsanana uye kugara vari kure nekure, pakati pezvimwe.

Kingstone Mapupu anoti kuMashonaland East veruzhinji vari kuenderera mberi nekutevedza zvakatarwa neHurumende kudzimara mazuva 21 akwana.

KuDema, kwaSeke, vanhu vari mudzimba. Asi apo veruzhinji vaive mudzimba, kune mamwewo matsotsi aiba chibage muminda.

Mai Susan Marova, avo vane munda wavo kuPhase 2 ikoko, vanoti vave kukohwa chibage chavo chisati chasvika mushure mekunge vabirwa.

“Apo tiri kugara mudzimba, matsotsi anouya achiba chibage chedu. Izvi zvandimanikidza kuti ndichitochikohwa chisati chaoma nekutya kuti chingapere,” vanodaro Mai Marova.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanokurudzira veruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzerudzi urwu kumapurisa nekukasika.

Vanotizve veruzhinji vangwarire vana panguva ino apo vanhu vari mudzimba. Kurudziro yavo inotevera kunhongwa kwemwana ane makore mashanu ekuberekwa uyo anofungidzirwa kuti ainge apambwa nemushandi webasa, ndokuzosiya araswa mumusha weRusike Phase 3.

Nyasha Bvudzijena anoti vagari vekuRuwa, iyo iri pasi pedunhu reMashonaland East zvakare, vari kuenderera mberi nekutevedzera zvisungo izvi, kunze kwedzimwewo nguva apo vanoungana pazvigayo kana pazvitoro vachida kutenga zvekudya.

Mumusha weZimre Park, vagari veko vari mudzimba asi vanonyunyuta nedanho rakatorwa nekanzuru yavo yeRuwa rekupwanya zvigayo zvanga zvichivabatsira, kunyanya panguva ino yavari kufanirwa kunge vagere mudzimba.

Kanzuru inonzi yakapunza zvigaro zvemumusha uyu nezuro ichiti zviri kushanda kunze kwemutemo.

Mitchelle Biya anoti: “Kanzuru yapwanya zvigayo ichiti zviri kuitira vagari vemuno ruzha asi ndizvo zvanga zvichitobatsira veruzhinji panyaya yehupfu.”

Rumbidzai Mutudza anoti zvigayo izvi zvagara zvichibatsira zvikuru, kunyanya kune vaya vakarima zviminda umo vanokohwa chibage vachinogaisa kuti vawane hupfu.

Asi munyori wekanzuru yeRuwa, VaKumbirai Mudanhi, vanoti zvigayo izvi zvakapwanywa nechikonzero chekuti zviri kushanda zvisiri pamurawo uye munzvimbo dzisiridzo.

“Tapwanya zvigayo nekuti vanhu ava havana marezinesi ekushanda vari munzvimbo idzodzo, munofanirwa kunge muine zvitoro bedzi,” vanodaro.

Vanokurudzira vanhu kuti kana vachida kuvamba zvigayo, vanofanirwa kutanga vanyorera kukanzuru vachikumbira mvumo.

Muchaneta Chimuka anoti vagari veChitungwiza vari kuenderera mberi nekucherechedza zvisungo zvemazuva 21 veruzhinji vachigara mudzimba.

Asi kune vamwewo vari kumbobuda vachinotsvaga zvekudya.

Abel Ndooka anotaura naVaKennedy Kutira kuHatfield, muHarare, avo vanoti ngoma ndiyo ndiyo — vari pamba.

VaKutira vanoti vatojairira uye upenyu hwavo nemhuri yavo ndihwo hwavanokoshesa.

“Svondo rekutanga zvakamborwadza kungoswera uri pamba asi zvino tajairira. Pakutanga taisaziva kuti kugara pamba zvakakoshei asi nekufamba kuri kuita mashoko, tava kuziva.

“Dai danho iri risina kutorwa neHurumende, tingadai tava nevanhu vanodarika vapfumbamwe vane coronavirus kutaura kuno. Nekune rimwe divi, tava kuswerawo tichitamba nemhuri nekuita mamwe mabasa epamba,” vanodaro VaKutira.

Daphne Machiri anoti mumisha yeBudiriro neGlen View vanhu vari kutevedzera. Kana misika inosionekwa vanhu vachiungana vachitengesa nekutenga zvinhu zvakaita semuriwo, madomasi nezvimwe yakavhara.

Mavis Zuve anomuudza kuti vava kuziva kuti chirwere ichi chinopararira sei, naizvozvo vacharamba vachigara mudzimba.

“Tirimo mudzimba, tiri kutotya kuti chingatibate. Asi kune vamwe vashoma vatinoona vachifamba vachinotsvaga mvura, ipapo kanzuru yatishungurudza,” anodaro Zuze.

Malven Mugadzikwa akaonawo kuti vagari vemumusha weHighfield vari kutevedzera uye musika mukuru wekuLusaka wakavharwa.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey