Uncategorized

Tapiwa oitirwa nyaradzo

27 May, 2021 - 13:05 0 Views
Tapiwa oitirwa nyaradzo Tapiwa Makore Jnr

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI yemwana wekufa nekupondwa kwaNyamutumbu, kwaMurehwa gore rakapera – Tapiwa Makore Jnr, uyo ane mutumbi wakazovigwa usina dzimwe nhengo dzemuviri kusanganisira musoro nemaoko – inoti nyaradzo yake ichaitwa nemusi wa29 Chivabvu pamusha pavo kwaMakore.

Mutumbi wemwana uyu wakavigwa mwedzi wadarika usina musoro sezvo vemhuri yake vakaramba kutambira musoro wainzi ndewake mushure meongororo yeDNA vachiti handi wake.
Mutauriri wemhuri yekwaMakore, Mai Beaulla Musupai, vanoti nyaradzo yaTapiwa Jnr ichaitwa nemusi wa29 Chivabvu pachitevedzwa mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Mutumbi wemwana wedu takauviga usina musoro tatadza kuwirirana nemusoro wainzi ndewake. Takazotsvaga vekambani inotora maDNA yakazvimirira iyo iri kuita ongororo uye havasati vapedza.
“Tichaita nyaradzo nemusi wa29 mwedzi uno apo pachauya vanhu vashoma sezvinotendererwa nemitemo yekurwisa Covid-19,” vanodaro Mai Musupai.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine vanhu vakaita samambo wedu Mangwende nemasabhuku edu nevemachechi vemuno vatinotarisira kuti vachauya asi vari vashoma.”
Mai Musupai vanoti kambani iri kuita maDNA musoro uri kunzi ndewemwana uyu iri kuda US$5 000 pabasa iri.
“Kambani iyi yaida US$6 800 kuita basa rose asi vakazodzikisa neUS$1 800 yavakatipa serubatsiro, kureva kuti mari yave kudiwa iUS$5 000. Imwe tave nayo kubva kune vari kutibatsira zvekuti kwangosara shoma yatinotarisira kupihwa nemasahwira edu,” vanodaro.

Gweta remhuri yekwaMakore, Mai Tabitha Mwayera- Chikeya, vanotsinhira kuti nyaradzo yaTapiwa Jnr ichaitwa nemusi wa29 Chivabvu.

“Ichokwadi nyaradzo yaTapiwa Makore (jnr) iriko musi uyu kumusha,” vanodaro Mai Mwayera-Chikeya.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kuferefetwa kwenyaya yekupondwa kwemwana uyu kuri kufambira mberi.

Beulah Musupai

“Mapurisa vanoramba vachiferefeta nyaya dzakaita seyaTapiwa Makore Jnr uyo anonzi akapondwa nenzira dzekuchekeresa. Kune vamwe vakasungwa avo vari kupinda kumatare edzimhosva vakachengetedzwa vachitongwa nevamwewo vari kutongwa vachibva kunze. Nyaya dzakadai dzinotora nguva refu dzichiferefetwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vamwe vevakasungwa nekuda kwenyaya iyi vanosanganisira babamukuru vemwana uyu uye sazita wake Tapiwa Makore Snr (57) nemushandi wake aiva mufudzi wemombe, Tafadzwa Shamba (40), uye naThanks Makore.

Share This:

Sponsored Links