Uncategorized

‘Tarambana katatu’

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Tatenda Shuro
MUMWE mukadzi anoti arambana nemurume wake kanokwana katatu asi vachizodzokerana votanga kugara vose zvakare.

Tendai Murape akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge akamhan’arira Misheck Murape achida gwaro rinomudzivirira.

“Uyu murume wangu, asi tinogaronetsana chaizvo zvekutoti iko zvino makore ati wandei uye tarambana kava kechitatu asi tichingozodzokerana,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Patinonetsana, anoti ndinokuuraya nepfuti kana kuti ndinozviuraya nevana vangu vose.

“Ndinomanikidzwa bonde uye handisisina rugare apa kushanda ndini ndinoshanda patove nemakore matanhatu ndichishandira mhuri,” anodaro Tendai.

Anoti paanoenda kubasa, murume wake anomupomera mhosva yekuita zvehunzenza izvo asingaite.

Misheck haana kuenda kudare kuti anopewo divi rake.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Tendai gwaro rinomudzivirira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey