Tarasikirwa nekufa kwaMandaza: Chimukoko

21 Oct, 2019 - 17:10 0 Views
Tarasikirwa nekufa kwaMandaza: Chimukoko Abel Chimukoko

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munyaya dzemujaho wekumhanya, Abel Chimukoko, anoti nyika yeZimbabwe yarasikirwa zvikuru zvichitevera kushaya kwaArtwell Mandaza uyo aivewo shasha yemujaho.

Mandaza akashaya neMuvhuro uno uye akashanda zvikuru kubika vamwe vanomhanya pamwe nekusimudzira mutambo uyu.

Achitaura neKwayedza, Chimukoko – uyo akamboshanda naMandaza – anoti: “Mutambo wemujaho wekumhanya kuti usvike pawave izvozvi, kuburikidza nekushanda kwakaita Mandaza uyo akavhurira mikana kune vamwe.

“Ini chaiye ndakapfuura nemumaoko ake uye kuti ndisvike pandiri pano ndiye akandibika nekundivaka.

“Tarasikirwa zvikuru senyika uye tiri kurwadziwa nekutisiya kwaaita.”

Zvizhinji pamusoro pehurongwa hwekuvigwa kwaMandaza zvichaziviswa nekufamba kwenguva.

Share This:

Sponsored Links