
Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI anogara kuBulawayo anoti ane dambudziko rekungoerekana abatwa nemweya unotaura zita remunhu waanoti ndiye ari kumuroya pamwe chete nerushambwa rwaanofanirwa kusangana narwo muupenyu hwake.
Mukadzi uyu, uyo akangotaura kuti anonzi Tariro (50) anogara mumusha wePumula, kuBulawayo, uye akaonekwa neKwayedza svondo rino ari mumugwagwa Anderson, kuMarbelreign, muHarare apo aiita seakabatwa nemweya achitotaura twakawanda uye nerimwe izwi.
Panguva iyi, aichema uye nekuzvipunzira pasi, zvekare izwi iri richiti nderemunhu ane mweya uri kusvika paari.
”Ehe ndini, ndine makore 76 ndichibva kwaTingindi kuGokwe. Asi izvozvi ndava kugara kwaChivi (kuMasvingo).
“Tariro uyu mwana wangu, akangwarisa, haadi kunditerera. Anoda kuita zvevarume, ini handidi kuti agare nemurume, ndinoda kungomuona achitambura, haambofa akaroorwa. Pane varume vakawanda vanoda kumuroora, asi havambofa vakagara naye,” unodaro mweya wacho pamukadzi uyu.
Mweya uyu unoti Tariro wakamutumira zvidhoma zvechirume zvinoshinha naye kubvira achiine makore matanhatu okuberekwa zvinova zvakamubvisa humhandara.

Tariro
“Ngaafambe zvake kwaanoda. Tariro wacho acharamba achiita zvekudanana nevarume vakawanda, haambofa akaita chirwere. Kuroorwa hazviite, ndinongomuita rombe. Ndinoda kuti atambure chete,” unodaro mweya uyu.
Kwayedza yakazoita hurukuro naTariro mweya uyu waenda akataura kuti kune mumwe mwana wemumba mavo akafa nekuda kwemweya mumwe chete uyu nevamwe vari kutambudzwa nawo avo vaakadoma nemazita.
“Kune vamwe vari kutambura nekuda kwemweya uyu, kunyangwe mumwe ari kumurume. Pavakomana vemumhuri medu, havana chavanombofa vakaita,” anodaro Tariro.