Uncategorized

‘Tarisirai kuuya kwemafashamu’

24 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
‘Tarisirai kuuya kwemafashamu’

Kwayedza

Precious Manomano

BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department, riri kuyambira veruzhinji pamusoro penjodzi yemafashamu ayo anogona kuitika kunzvimbo dzinowanda mvura dzakaita semipata yenzizi, mumatoro uye dzakadzikira seMuzarabani neMbire, kuMashonaland Central.

Mukuru anoona nezvemamiriro ekunze kuMSD, VaJames Ngoma, vanoti kune njodzi yemafashamu iri kuwedzera munzvimbo dzinogarosangana nedambudziko iri nekudaro vacharamba vachipa chenjedzo kune veruzhinji nguva nenguva.

“Ticharamba tichizivisa veruzhinji mamiriro ezvinhu nekufamba kwenguva. Nzvimbo dzatataura dzose dzinoenderana nehuwandu hwemvura inenge yambonaya,” vanodaro.

Mafashamu chiitiko chegore negore uye dzimwe nzvimbo dzava kutozivikanwa nekugara dzichisangana nematambudziko aya.

VaNathan-Nkomo

Semuenzaniso, dunhu reMuzarabani rinozivikanwa nemafashamu.

Mukuru weDepartment of Civil Protection, VaNathan Nkomo, vanoti mari inokwana kurwisa njodzi dzakaita semafashamu yakatoiswa parutivi.

Vanoti pane hurongwa hwekuti munhu wese achengetedzeke munguva ino yekunaya kwemvura.

“MuZimbabwe, sedzimwe nyika dziri mudunhu reSadc, Africa nepasi rose, ino ndiyo nguva yatinogara tichigadzirira mwaka wekunaya kwemvura.

“Mwaka wekunaya kwemvura unouya nematambudziko akawanda, asi chikuru ndechekuti unouyawo netarisiro huru nekuti kurima kwedu kuzhinji kunobva mukunaya kwemvura nekudaro tinotambira mwaka wekunaya muZimbabwe,” vanodaro.

“Zvisinei, maererano nekugadzirira, takaita nedanho repamusoro. Rangarirai kuti tiri kugadzirira njodzi dzinokonzerwa nemafashamu uye pakupedzisira, kana tapinda mumwaka wedutu, zvikuru kubva munaNdira kusvika Kurume, tichawedzera kugadzirira kwedu,” vanodaro.

Vakuru vematunhu vanokurudzirwawo kugadzirira migero inofamba nemvura kuitira kuderedza njodzi yemafashamu mumaguta nemumadhorobha.

Svondo rapfuura, mhuri makumi manomwe nesere dzakasara dzisisina pekugara mushure mekunge dzimba dzavo dzaparadzwa nemvura yakanaya muKadoma.

Zvikoro zvishanu, zvinosanganisira Jameson High School nezvimwe zvitoro, zvakakanganiswawo nemafashamu.

MunaGumiguru, musha weDulivhadzimu, kuBeitbridge wakasangana nedambudziko remafashamu.

Mafashamu emumaguta kazhinji anokonzerwa nekuvharika kwemigero kana kuti madhireni anofambisa mvura.

Mafashamu anogonawo kukonzera njodzi kuupenyu hwevanhu uye nekuparadza zvivakwa.

Zimbabwe yatova nenhoroondo yemafashamu kubva makore apfuura.

Mafashanu eTropical Cyclone Idai, ayo akaipisisa munhororondo yeZimbabwe, akaona kunaya kwemvura zhinji yaive nedutu munaKurume 2019 zvakaita kuti pave nekurasikirwa kweupenyu hwevanhu vane chitsama uye kuparadzwa kwezvivakwa.

Mafashamu aya akaitikawo kunyika dzinosanganisira Malawi neMozambique.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>