‘Tarisiro yegoho rakanaka yavepo’

05 Mar, 2020 - 12:03 0 Views
‘Tarisiro yegoho rakanaka yavepo’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

Varimi vazhinji vava netarisiro yekuti vanokwanisa kuwana goho rakanaka zvichitevera kunaya kuri kuita mvura kumativi mana enyika uye vanoti kudai yaramba ichinaya kusvika kupera kwemwedzi waKurume kuitira kuti dzimwe mbeu idzo vakapedzisira kudyara dzikwanise kupunduka.

Zvirimwa zvizhinji zvakanonoka kudyarwa zvasimukira zvikuru uye zvipfuyo zviri kuwana mafuro akakwana zvichitevera mvura iri kunaya.

Mwaka wa2019-20 wakatanga wakaderera zvichitevera kunonoka kunaya kwemvura uko kwakakanganisa mbesa dzakadyarwa pakutanga apo zvimwe zvakasvava zvekutadza kusimuka zvakatuma varimi vazhinji kuti vange vachidyarurura.

VaJoseph Gondo vanova Agri-tex principal director vanoti kunaya kuri kuita mvura kwaunza pundutso kuvarimi vezvirimwa uye zvipfuyo.

“Mvura iri kunaya parizvino yakakosha zvikuru kuzvirimwa zvakadyarwa nguva yadarika saka tinovimba kuti icharamba ichinaya kusvika kupera kwemwedzi waKurume nekuti zvimwe zvava kutobereka, zvikuru sei chibage chatova netsanga. Ukuwo zvipfuyo zviri kuwana mafuro akakwana nekuda kwemvura iri kunaya,” vanodaro.

Vanoti kunyangwe chirimwa chefodya chiri kusimukira zvakanaka zvikuru.

Mutevedzeri wemutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, Mai Maiwepi Jiti vanoti zvirimwa zvakadai sechibage, fodya uye zvidiki zvasimukuira zvikuru mushure mekuwana mvura.

“Hunaku kwefodya huri kuratidza kuwedzera nekuti mumwedzi waMbudzi naZvita fodya zhinji yakanga yarukutika nekuda kwezuva. Asi, kune dzimwe nzvimbo dzisati dzava nemvura yakakwana zvekuti chibage chiri kukundikana kuumba tsanga. Tinovimba kuti ticharamba tichiwana mvura yakaringana kuti tibure goho rakanaka. Dzimwe nzvimbo dzakadai seBanket neChinhoyi chibage chiri kuratidza kutsvukuruka unova mucherechedzo wekushaya fetiraiza yemhando yeAmmonium Nitrate,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti zvimwe zvirimwa zvakaparadzwa zvakanyanya nekuda kwetwumbuyu.

“Tiri kurwadziwa zvikuru nezvimwe zvirimwa zvainge zvakura zvakanaka asi tariro yevarimi yakava zviroto nekuda kwetwumbuyu uye vamwe vari kurasikirwa nemombe dzavo nekuda kwezvirwere panguva iyo mitengo yekubaisa mombe iri kuramba ichikwira,” vanodaro.

Mai Depinah Nkomo vanova mutungamiriri wesangano reZimbabwe Indegenous Farmers Association Trust vanoti varimi vava netarisiro pazvirimwa zvavakadyarurura kuti zvinovapawo goho rakanaka.

Zvakadai, Hurumende yakavamba chirongwa chekutanga chek- uita ongororo maringe nemamiriro akaita zvirimwa, zvipfuyo, huwandu hwemvura uye mafuro munyika yese.

Ongororo yemhando iyi inoitwa gore negore nechinangwa chekuona zvichabuda munyaya dzekurima uye kuti pave negadziriro izere yem- waka unotevera.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department rinoti mvura ichanaya mudunhu reMatabeleland North, Mashonaland Central, Masvingo, Matabeleland South, Mashonaland East uyeMashonaland West mumazuva akatsaukana.

Share This:

Sponsored Links