Tarumbwa ‘anwisa’ zvekare . . . apa Quin Tasha pamuviri

10 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Tarumbwa ‘anwisa’ zvekare  . . . apa Quin Tasha pamuviri

Kwayedza

Langalakhe Mabena

VATAMBI venhabvu pasi rose, vanoratidza sekuti vanopinda murudo kana kuroora nevanhu vane mukurumbira sewavo.
Aimbotungamira chikwata chenyika yeEngland, David Beckham, akaroora tsvarakadenga yaiita zverunako, mutambi wemadhirama uye muimbi Victoria Caroline Beckham, Wayne Rooney akaroorawo Coleen Mary wekuIreland uyo anova munyori uye achishanda pachiteshi cheterevhizheni.
Imwe yenyaya dzinogona kunakidza ndeye aimbova mutambi weFC Barcelona, Gerard Pique, uyo akachata neshasha yekuimba yekuColumbia, Shakira.

Zvino aimbove mutambi weHighlanders neChicken Inn – Obidiah Tarumbwa – akapindawo muboka revatambi venhabvu ava zvichitevera kudanana kwaari kuita naQuin Tasha uyo anozivikanwa zvikuru munyaya dzekutamba mimhanzi.
Tasha aimbova mutambi wechikwata chevanhukadzi chete cheWhin Quins.

Tarumbwa, uyo akambotambira chikwata chekuBelgium chinonzi Cercle Brugge, anoratidza kuti achiri “kunwisa” zvichitevera kupa pamuviri kwaakaita Quin Tasha.

Vaviri ava vakatanga kudanana makore maviri adarika uye Tasha ane pamuviri pave nemwedzi misere.
Kunyangwe zvazvo vaviri ava vasina kuda kutaura zvakawanda pamusoro perudo rwavo, Tasha akatumira mashoko padandemutande kumudiwa wake musi wekupemberera zuva rekuzvarwa kwake 29 Mbudzi, izvo zvakatsinhira kudanana kwavo.

Zvisinei nekuti Tarumbwa ane vana nevamwe vakadzi uye dzimwe nguva vaasingabhadharire mari dzemendenenzi, Tasha ari kuratuidza kusave nehanya nazvo.

“Izuva rako mudiwa wangu uye ndiri kupemberera zuva rino newe. Mwari wemasimba ose vakuropafadze nemakore akawanda azere nebudiriro.
“Ndinonzwa kufara nekuve nemunhu ane rudo uye mweya wakanaka sewe muupenyu hwangu.

“Vakazvitaura zvose, vakataura mashoko akaipa pamusoro pako asi handiwirirane nazvo. Mukomana uyu anoshamisa kwandiri. Anotya Mwari, ane ruremekedzo, anotsigira uye nekusimudzira.

“Nguva dzose anenge ari padivi pangu panguva yakanaka neyakaoma, anondiudza nzira dzekugadzirisa matambudziko ose. Ndiye zvose zvandinoda pamunhurume.

“Achava MURUME wangu, achazova DADDY, ndinokuremekedza uye ndinokuda murume iwe #Obidiah Tarumbwa,” anodaro Quin Tasha padandemutande.

Share This:

Sponsored Links