Uncategorized

Tasunga 340 000: ZRP

22 Jan, 2021 - 16:01 0 Views
Tasunga 340 000: ZRP Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vanodarika 340 000 vasungwa nemapurisa nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nematanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) kubva muna Kurume wegore rapera kusvika pari zvino.

Mutaruriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa ari kusimbaradza chirongwa chekuona kuti veruzhinji vatevedzera nemazvo matanho ose akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19.

Vanoti vanhu vakasungwa ava vanosanganisira vaive vasina kupfeka mamasiki, vaingomberereka kufamba zvisina chinangwa uye nevaityora mutemo wekuti veruzhinji havatenderwe kufamba kubva nenguva dza6 manheru kusvika 6 mangwanani (curfew).

“Semapurisa, tasimbaradza mutemo welockdown, vanhu vanongofamba-famba vasingazive zvavari kuita vari kusungwa. Kubva nemusi wa30 Kurume gore rapera kusvika zvino tasunga vanhu 347 264 nekuda kwekutyora mitemo ine chekuita nelockdown,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti kune vanhu vakwanda vari kutyora mutemo wecurfew.

“Kana 6:00 zuva rodoka dzakwana kusvika mangwana acho na6:00 mangwanani inova nguva yecurfew, mumarodhibhuroko edu ane mapurisa nedzimwe nzvimbo dzinochengetedzwa nekuongororwa nemapurisa, hakuna vanhu vasina matsamba anovatendera kufamba vanodarika nepo.

“Vanhu kana vapedza basa na3 masikati tinovakurudzira kuti vanange kudzimba vorega kumberereka pasina chavanoita,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links