Uncategorized

‘Tasunga 790 000’

07 Jul, 2021 - 08:07 0 Views
‘Tasunga 790 000’ Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vasunga vanhu vanokwana 789 849 nekuda kwemhosva dzine chekuita nekutyora mitemo yeCovid-19 kubva mumwedzi waKurume 2020 kusvika zvino.

Mashoko aya akataurwa nemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vachipa yambiro kuvanhu vari kutyora mitemo ine chekuita nekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Kubva mumwedzi waKurume 2020 kusvika izvozvi, tasunga vanhu vanokwana 789 849 nekuda kwemhosva dzinosanganisa kusaremekedza curfew, kufamba vanhu vasina kupfeka mamask, kuungana, motokari dzemishika-shika nemakombi idzo dziri kufamba dzisina matsamba anodzitendera kuita izvi. Kune vamwewo vanhu vanongomberereka,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoti semapurisa, havasi kuzorega vanhu vachiita zvavanoda panyaya yekutevedzwa kwemitemo ine chekuita nedenda reCovid-19.

“Tine vemichovha vari kutakura vanhu vasina mvumo yekuita izvi, vatinonyanya kuziva nekuti mishika-shika, kune vemotokari duku dzakazvimirira toitawo vemarori nemakombi asina kunyoreswa neZupco. Vanhu ava vari kusungwa pasina kutarisa kuti munhu ndiyani kana kuti motokari ndeyani uye pasina tsvete.

“Motokari idzi dziri kutorwa nemapurisa dzoendeswa kwadzinofanirwa kuchengetwa,” vanodaro.
Asst Comm Nyathi vanoti motokari dzemishika-shika dzavakasunga dzava kusvika 9 050 pamwe chete kubva pakatanga kurwisa Covid-19 munyika muno.

“Onai tsaona dziri kuitika nekuda kwemotokari dzemishika-shika idzi, kureva kuti dzinenge dzakazara zvakanyanya. Ivowo vanhu nekuti vanenge vachida kufamba zviri kunze kwemitemo, vanongokwira vozvipinza parumananzombe.
“Tinorwadziwa nekurasikirwa neupenyu hwevanhu vanenge vachifanirwa kunzvengana netsaona dzakadai idzi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vakayambira veruzhinji kuti vanofanirwa kuziva kuti curfew inotanga nenguva dza6:30 manheru kusvika 6:00 dzemangwanani, zvavanoti wose anowanikwa achifamba panguva dziri pakati apa anosungwa nemutemo.
“Tine vemabhawa vari kuvhura nemashabhini matinoona vanhu vakavharirwa mukati vachinwa doro, kwese uku kutyora mitemo. Vanhu ivava vanenge vakawanda vakavharirwa mukati zvine njodzi huru yekuti vanokwanisa kutapurirana utachiwana hwedenda iri.”

Asst Comm Nyathi vanoti vemabhawa vari kuwanikwa vachityora mitemo iyi vari kusungwa votorerwa matsamba avo ebasa.
“Onai kunze kwekuwira mutsaona nemotokari dzinokwirwa nevanhu idzi, vanokwanisawo kubirwa nekuti mamwe makororo anoshandisa motokari dzemishika-shika.

“Kune vamwewo vemachechi vanoungana nehusiku vachiedza kuhwanda mapurisa vari kumasango nemumachechi. Ivava vari kusungwa zvakare, tinoti kunyange wani kumba kwako unokwanisa kunamata uriko,” vanodaro.
Vanoti nekukwira kuri kuita vanhu vari kubatwa nekufa munyika nekuda kwechirwere ichi, mapurisa vanoramba vachisimbaradza mitemo iyi.

Vanoyambira vanhu vanofamba nematsamba ekunyepera ekuti vanofanirwa kunge vachishanda munguva dzehusiku.
“Hazvireve kuti munhu wose anoshanda muHurumende ane kodzero yekufamba munguva dzecurfew, kune vane kodzero vaine matsamba acho, tine motokari dzawanda mumigwagwa dzinofamba dzisina manumber plates. Tinoti ngatichengetedzei mitemo ine chekuita neCovid-19 nekuti chirwere ichi chiri kuuraya, hapana wachinosarudza.”

Share This:

Sponsored Links