Tatarisa caf: Mapeza

08 Nov, 2018 - 13:11 0 Views
Tatarisa caf: Mapeza Norman Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weFC Platinum, Norman Mapeza, anoti pachine basa guru kuti chikwata chake chibudirire kukunda mumutambo weCAF Champions League sezvo izvi zvichida makore akawanda ekutamba nhabvu yepamusoro.

Mashoko aMapeza anotevera kuhwinha kwakaita FC Platinum mukombe weCastle Premiership kechipiri mwaka uno zvichireva kuti kuti chikwata ichi ndicho chichange chichimirira Zimbabwe kuChampions League.

Pure Platinum Play, sezita remadunhurirwa reFC Platinum, iri kudzokera mumutambo uyu mugore rechipiri rakatevedzana asi mumakwishu egore rino haina kunyatsotamba zvakanaka sezvo yakaburitswa kumapreliminary round nePrimero de Agosto yekuAngola.

Nguva pfupi yadarika, mukushi wemashoko wechikwata ichi – Chido Chizondo – akati shuviro yavo kuve chimwe chezvikwata zvikuru muAfrica panyaya dzenhabvu uye kurongeka pazvese zvavanoita.

Mapeza – uyo achiri akagara mudenga rechinomwe zvichitevera kuhwina kwavakaita mukombe weCastle Premiership – anoti, “Dai pasina Mwari zvisina kumbogoneka, tinomutenda nekumutungamira kwaakatiita.”

Muchina wemajuzi, sezita remadunhurirwa raMapeza, anoti shuviro yechikwata chake kuti chihwine mitambo yese yachinokwikwidza muno kuti chigowana mukana wekumisidzana nezvikwata zvikuru zvemuAfrica.

“Isu chatinoda kuti tihwine mikombe yese inokwikwidzwa muno kuti tigowaniswa mukana wekukwikwidza muAfrica nekuti ndimo mune zvese, vatambi vedu vanokwanisa kuonekwa nezvimwe zvikwata uye zvinounza mari kuchikwata chedu,” anodaro Mapeza.

Kunyangwe hazvo Mapeza achiti anofara nekudzokera kwavari kuitwa kumutambo weChampions League, muchinda uyu anoti pachiri nendima refu inoda kusakurwa kuti FC Platinum ikwanise kuzohwinawo mutambo uyu.

“Hazvingoitike nyore, zvinoda makore akawanda muchitamba nhabvu yepamusoro muchivaka kuti mugoverengwa pane zvimwe zvikwata zvikuru zvemuAfrica,” anodaro.

Munhorowondo yake yekurairidza nhabvu, Mapeza akwanisa kuhwina mikombe mitatu yepremiership ari murairidzi – miviri yacho iyo yaahwina neFC Platinum kozoti umwe waakahwina neMonomotapa mugore ra2008.

Pavarairidzi vese vari kurairidza nhabvu muno parizvino, Mapeza ndiye zvakare ane mikombe yakawanda yePremier League achiteverawa naLloyd Chitembwe naJoey Antipas avo vakahwina kamwe chete nezvikwata zvavo zvinoti CAPS United uye neChicken Inn.

Achibvunzwa neKwayedza kuti achakwanisa kuita zvakaitwa naKalisto Pasuwa here paakahwinha mukombe wePremier League makore mana akatevedzana apo airairidza Dynamos, Mapeza anoti, “Isu tinongotenda Mwari nekuhwina kwatakaita chete.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>