Tatelicious adzingwa kuSA

08 Dec, 2022 - 07:12 0 Views
Tatelicious adzingwa kuSA Tatelicious

Kwayedza

Blessed Katiyo ari kuJOHANNESBURG

TATELICIOUS Karigambe, uyo aner mbiri pasocial media, akadzingwa munyika yeSouth Africa nezuro ndokudzorerwa kuSweden kwaanogara.

Akapedza svondo achigara muhusungwa achimirira kuburitswa munyika iyi ari paOR Tambo International Airport.

Izvi zvakasiya vatsigiri vake vekuMzansi vakatsamwa sezvo vainge vakamirira chaizvo kuda kumuona achiita zvidavado zvake pamwe chete naStunner kuJohannesburg nekuCape Town.

Murongi weshoo iyi, Enock Chirovapasi, weInizha Entertainment, anotsinhira nyaya iyi.

“Tine hurombo, Tatelicious akadzorerwa kuSweden, ndege yake yatosimuka mangwanani (nezuro).

“Pakaita dambudziko reVisa rake sezvo akataura chikonzera chekushanya kuti aiuya kuzofadza vanhu.

“Mutemo wekuSouth Africa wezvekushanya unoti kana munhu achiuya kuzoita shoo ane mhando yeVisa yaanopihwa, saka tiri kushanda kuti agopihwa Visa racho kuSweden.

“Vemutemo vanoti Visa iri rinowanika nyore kuSweden uye rinobuda mumaawa 24 chaiwo.

“Takamhanya-mhanya kuti Visa ribude svondo rese, tikatotsvaga gweta kuti ritibatsire, asi zvakaramba.

“Vatsigiri vake ngavasaore mwoyo sezvo achauya chete tisati tasvika paKirisimasi,” anodaro.

Sekutaura kwevamwe vanhu, zvinonzi Tatelicious ange achichengetwa pane imwe nzvimbo panhandare yendege iyi kubva svondo radarika paakauya.

“Ange asina nharembozha yake uye varongi veshoo yake vaimhanya-mhanya kutsvaga nzira dzekutaura naye, vakazokwanisa kumubata musi weChishanu apo akapihwa nharembozha yekufonesa.

“Akazoendeswa pane imwe hotera iyo inochengeterwa vanhu vese vanenge vachida kudzingwa vodzorerwa kunyika dzavanenge vabva.

“Akange asiri kufara nazvo ndokutanga kuita mhirizhonga achitaura kuti anoda kuenda kunoita zvidavado zvake zvekufadza vanhu.

“Akaita hasha ndokupwanya magonhi. Izvi zvakatsamwisa mapurisa zvikazokonzera kuti arambidzwe kupinda munyika iyi.

“Vakazofonera varongi veshoo yake vachivaudza kuti munhu wavo ane dhirama rakawandisa uye nehasha,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.

VaInizha Entertainmant havasi vatsva mune zvemagitare.

Vakamboshanda nevaimbi vemuZimbabwe vakawanda vanosanganisira Freeman, Killer T naEnzo.

Vakange vabhadharira Tatelicious mari yekugara muhotera asi mari iyi haina chayakashanda.

Pandemutande reSocial Media, pange pakazara nemubvunzo wekuti Tatelicious ari kupi sezvo ainge akashambadza zvikuru nezveshoo yake kune vanhu vanomutevera.

Kumboshaikwa kwake, kwakaona vanhu vaasingaonane navo vachifara nekuda kwematambudziko aange achisangana nawo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey