Tatotanga gadziriro dzeCAF: Ndiraya

14 Nov, 2024 - 10:11 0 Views
Tatotanga gadziriro dzeCAF: Ndiraya Tonderai Ndiraya

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weSimba Bhora, shasha dzeCastle Lager Premier Soccer League dza2024 – Tonderai Ndiraya – anoti chikwata chake chave kutotanga kugadzirira kuzotamba mumutambo weCAF Champions League gore rinotevera.

Zvichitevera kuhwina kwakaita Simba Bhora mukombe wePSL svondo radarika apo yakakunda Arenel Movers kuLuveve, chikwata chaNdiraya chakabva chawana tikiti rekunotamba mumutambo weCAF Champions League.

Muhurukuro, Ndiraya anoti mumazuva anotevera iye nehutungamiri hwechikwata chavo vachagara pasi vogoronga kuti gadziriro dzavo vakatarisana neCAF Champions League vodzifambisa sei sezvo achiti vanoda kuita zvinorova mumitambo yemuAfrica.

“Tiri kufara chaizvo nepatasvika nechikwata chedu, zvinhu zvinofadza kuhwina mukombe wePSL saka tiri kumbopembera panguva ino. Asi tiri pakupemberera ipapo tave kutanga kuita gadziriro dzekuzotamba muCAF Champions League.

“Mitambo yemuAfrica mikuru uye munosangana nezvikwata zvikuru saka isu tiri kuda kuve takagadzirira. Tichagara pasi nehutungamiri hwechikwata chedu toronga pamwe tichizivisana vatambi vatinoda kuunza vagosimbisa chikwata chedu takatarisana neCAF Champions League.

“Mitambo yeCAF Champions League inotoda kugadzirira zvakasimba kuti mugokunda,” anodaro.

Kuhwina kwakaita Simba Bhora mukombe wePSL kaive kekutanga kubva zvakapinda chikwata ichi muPSL gore radarika uye aka ndekekutangawo Ndiraya achisimudza mukombe uyu semurairidzi.

Akambopotsa ahwina mukombe uyu achirairidza Ngezi Platinum asi akazodzingwa basa mwaka usati wapera apo chikwata chake chainge chabvutirwa mukombe uyu neFC Platinum.

Kuchiti mwaka wadarika, akadzingwa zvisina kutsarukano kuDynamos akundikana kutora mukombe wePSL.

Ndiraya anoti anopa kutenda kukuru kuhutungamiri hweSimba Bhora avo vakavimba naye paakadzingwa basa kuDynamos apo vakamutora vakamupa mukana wekushanda kuchikwata ichi akasununguka.

“Ndinoda kupa kutenda kukuru kuhutungamiri hweSimba Bhora kubva kumuridzi wechikwata Simba Ndoro, Brighton Ushendibaba hama yangu iyo yandinofamba nayo kwese uye ave mumwe wevatungamiri kuSimba Bhora, Billy Shereni, Isaiah Mupfurutsa, vatambi vechikwata chedu nevamwe varairidzi nevatsigiri vedu avo vanofamba nesu kwese kwatinoenda.

“Munhu wese anoziva kuti ndakabva zvisina kutsarukano kuDynamos asi hutungamiri hweSimba Bhora vakabva vamhanya kunditora nekuti vane chavainge vaona mandiri. Saka ndinotenda zvikuru nerutsigiro rwavo, ndirwo rwatisvitsa nhasi uno apo tave shasha dzePSL,” anodaro.

Mumutambo wekupedzisira wePSL, Simba Bhora ichasangana neZPC Kariba kuNyamhunga Stadium, kuKariba.

Share This:

Sponsored Links