Taurairwa mabasa – Varimi

14 Jan, 2021 - 13:01 0 Views
Taurairwa mabasa – Varimi Muzvare Nhari

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VAMWE varimi vari kuchema-chema nenyaya dzekushaya matsamba ekufambisa kuti vakwanise kuenda kuminda yavo munguva ino ye”lockdown” izvo zvavanoti zvaita kuti vakundikane kufambirana nemwaka dzekuita mabasa avo.

Muhurukuro neKwayedza, Muzvare Olga Nhari – avo vanova sachigaro wesangano revarimi vechidzimai reWomen in Agriculture Union – vanoti chirwere cheCovid-19 chakanganisa mabasa avo.

“Gore rino tiri kutarisira kuva nemaguta zvichitevera kunaya kuri kuita mvura zvakanaka uye varimi vazhinji vakagona kubata mwaka vakadyara zvirimwa zvinosanganisira chibage, nzungu, nyimo, mapfunde nezvimwe.

“Zvipfuyo zvakaita senguruve, hove, huku, mombe, mbudzi nezvimwe zviri kuratidza kuita zvakanaka. Asi dambudziko rekuwanda kwenyaya dzechirwere cheCovid-19 munyika ndiro raona vamwe varimi avo vakanga vari kugara kure neminda yavo vachimbomira kuita mabasa avo nekuda kwekuti havana matsamba ekufambisa. Kuti uve nematsamba iwayo ibasa guru nekuti unofanira kunge uine magwaro anoratidza kuti munda ndewako saka kune vamwe vaya vari kurenda minda zvinoreva kuti hazvichasi nyore kuti vaende kunorima panguva ino yelockdown,” anodaro Muzvare Nhari.

Anoti kune vamwe varimi vanofanira kunge vachitengesa zvirimwa zvavo kumisika yakadai sekuMbare Msika, muguta reHarare, vachibva kumapurazi kana kumisha asi nekuda kwekuti vanhu vakambomiswa kufamba kwemwedzi wose zvinoreva kuti vava kugumisira vatengesa zvirimwa izvi munzvimbo dzisina misika mikuru zvichiita kuti varasikirwe.

Murimi wehuku, Mai Jasper Mlambo vekuBindura, vanoti kune vemakambani vaisitenga huku dzavo asi zvino vakambovhara.

“Nguva yadarika, taingofonerwa nevemakambani vachiti unzai huku 500 kana kudarika, asi iko zvino tava kungonzi tiunze 20 kana gumi chaidzo nekuti vashandi vava vashoma vanenge vachida kubikirwa chikafu. Tava kutongotengesa mudzimba asi nekuoma kuri kuita upenyu apo vanhu vasiri kuenda kumabasa, kutengwa kwadzo kwaderera. Kutaura chokwadi Covid-19 yatiurayira basa isu varimi,” vanodaro.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Association Trust (ZIWFAT), Mai Depinah Nkomo, vanotenda Hurumende nekuunza chirongwa chelockdown kuti vanhu vasaramba vachifamba-famba zvisina tsarukano nedonzvo rekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Kudzivirirwa kwechirwere kwakakosha pane kuchirapa. Saka tinotenda Hurumende yakatarisa chikamu chezvekurima kuti chishande munguva ino yelockdown. Tine hurombo nevamwe varimi avo vari kukundikana kuenda kuminda yavo nekuda kwekushaya matsamba ekufambisa nekuti zvinodzorera kumashure,” vanodaro.

Pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, nyaya dzekurima dzinotorwa sedzakakosha nekudaro mabasa ane chekuita nekurima haafanirwe kukanganiswa.

Share This:

Sponsored Links