Tauya muPSL zvachose: Samaita

23 Jan, 2023 - 15:01 0 Views
Tauya muPSL zvachose: Samaita Lloyd 'Samaita' Mutasa

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weGreen Fuel FC — Lloyd “Samaita” Mutasa — anoti chikwata chake icho chakapinda muCastle Premiership (PSL) kekutanga mwaka uno, hachina kuuya kuzongozadzikisa chete sezvimwe zvikwata asi vanotoda kurwira mikombe yakawanda.

Green Fuel FC yakapinda muPSL mushure mekunge yahwina mukombe weEastern Region Division One uko yaitamba nhabvu inodakadza.

Samaita anoti kare zvikwata zvaiwanzopinda muPSL zvaitarisirwa kuti zvinopinda zvichingodzokera kuDivision One.

Asi anoti chikwata chake maEthanol Boys, sezita remadunhurirwa reGreen Fuel, chauya zvachose muPSL.

“Tauya zvachose, tasiyana nezvimwe zvikwata zviye zvinoti zvikapinda muPSL zvinodzokera kuDivision One pasina chinguva. Isu tinoda kuramba tiri muPSL togorwira mikombe yakawanda.

“Chikwata chedu chine vatambi vakawanda, vamwe vasati vambotambira muPSL vanoda kugadzira mazita avo saka vatori nehukasha hwekuda kurakidza matarenda avo. Tine chivimbo chekuti vachabata basa sebasa,” anodaro.

Samaita anoti akaumba chikwata chine vatambi vasati vambotambira muPSL pamwe chete nevave nenguva vachitamba muleague iri avo vachabatsira kurakidza gwara kune vechidiki vari kusimukira.

“Ukaenda kana kuEurope chaiko, vatambi madhara anotodiwa anenge arimo muzvikwata zvakasiyana nechinangwa chekusimbisa chikwata pamwechete nekurakidza gwara kune vatambi vechidiki,” anodaro Samaita.

Kupinda kwakaita Green Fuel FC muPSL chakabva chaita chikwata chekutanga kubva kuChisumbanje kutambira nhabvu yacho league iri.

Samaita anoti kuChisumbanje vatsigiri vamirira kutanga kwenhabvu izvo zvichavapawo mukana wekuona zvikwata zvikuru zvenhabvu zvemuno zvakaita seDynamos, Highlanders neCAPS United.

“MuChisumbanje vanhu vari kufara zvikuru, ndekekutanga aka nhabvu yePSL ichiuya uye vamirira kuda kuona chikwata chavo chichitamba nezvikwata zvikuru zvenhabvu munyika.

“Vamwe vacho havasati vamboona Dynamos, Highlanders, CAPS United neFC Platinum dzichitamba saka kwavari chinhu chikuru kuona zvikwata izvi zvichiuya kuzotambira muChisumbanje.

“Kuno kune vanhu vane mabhizimisi vakawanda, ndiri kutoona kuti vari kumhanya-mhanya kugadzirira mabhizimisi avo nekuti vanoziva kuti nhabvu paichatanga vachaita mari apo panenge pachiuya zvikwata zvakawanda kuzotamba nesu,” anodaro Samaita.

Pari zvino, Green Fuel iri musvondo rayo rechipiri yatanga kuita gadziriro dzemwaka wa2023 uyo unotarisirwa kutanga munaKukadzi.

Vazhinji vanoziva Samaita achitamba nhabvu apo akaita mukurumbira achitambira Tanganda FC yekwaMutare ndokuzoenda kuDynamos uko akanohwina mikombe yakawanda zvikuru.

Achiri kuTanganda, Samaita akatamba nhabvu yainwisa mvura izvo zvakaona achishevedzwa kunzi ndiPele wenhabvu wekuTanganda uye kana achifamba muguta reMutare vatsigiri venhabvu vakamuona vanomushevedza kuti Mambo Mutasa wenhabvu.

Samaita anobva muimba yehushe hwekwaMambo Mutasa kuManicaland.

“Tisu taive muchikwata cheTanganda chakatamba muPSL chikahwina mukombe weCastle Cup mugore ra1993. Saka nhasi ndikafamba maMutare ndinenge ndichingoshevedzwa kunzi Mambo Mutasa wenhabvu, rukudzo rwandinopihwa nekuda kwebasa randakabata ndichitambira kuchikwata ichi.

“Kare kwaive nemumwe mutori wenhau akandishevedza kuti ndini Pele weTanganda, saka ndinongotenda kuti ndinoyemurwa nevekwangu kwandakabva,” anodaro.

Vanakomana vaSamaita vaviri, Wisdom naPanashe, vese vakatevera matsimba ake sezvo vanotamba nhabvu.

Wisdom, uyo anotambira Black Rhinos, akambotambira FC Platinum, Dynamos, CAPS United, Motor Action neSenica yekuSlovakia kuchiti Panashe anotambira Manica Diamonds.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey