TAVA KUVANDUDZA DZIDZO: PRESIDENT

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
TAVA KUVANDUDZA DZIDZO: PRESIDENT President Mnangagwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza
HURUMENDE iri kuvandudza dzidzo yemuZimbabwe nechinangwa chekuti izadzikise zvinodiwa munyaya dzekusimukira kweupfumi hwenyika, President Mnangagwa vanodaro.

President Mnangagwa vakataura izvi mumashoko avo avakaverengerwa svondo rapera negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina Professor Amon Murwira pakuparurwa kwechirongwa chekupfuya mombe, cheNational Cattle Breeding Project kuChinhoyi.

President Mnangagwa vanoti kuvandudzwa kwedzidzo kunoita kuti pave nemazano akasiyana ekusimudzira nyika anobva kuzvizvarwa zveZimbabwe.

“Tinofanirwa kuronga zvinhu zvedu nenzira yekuti pane chazvinobura. Budiriro kazhinji inoitika panenge paine zvimhingamipinyi uye zvatinofanira kutaura ndezvekuti pakamira ipapo vadzivisi ndipo patiri kuuya napo seZimbabwe,” vanodaro.

Vanoti kuti Zimbabwe ibudirire, panofanirwa kutorwa matanho anoita kuti budiriro iyi ivepo.

Zimbabwe, vanodaro President Mnangagwa, haingabudirire kana ichitenga zvekudya kubva kunze kwenyika nezvimwe zvinodiwa asi kuti inofanira kuisa simba rayo kunyaya dzemichina yechizvino-zvino pamwe chete nekugadzirwa kwechikafu.

“Nekuda kweizvozvo, tiri kuvandudza dzidzo yedu kuti iburitse hunyanzvi hwedu senyika zvichienderana nenhaka yedu. Haumbofa wakabudirira uchishandisa zvinhu zvausina,” vanodaro.

“Zvinoreva kuti unobudirira uchishandisa zviwanikwa zvauinazvo zvakakukomberedza. Ndicho chikonzero Great Zimbabwe yakavakwa nematombo aiwanikwa munharaunda. Itai budiriro nezvamunazvo.”

President Mnangagwa vanoti dzidzo yezvizvarwa zveZimbabwe inofanira kuendererana nezvinodiwa mubudiriro yenyika.

“Unogona kunge uine njere dzakapinza zvikuru munyaya dzeSainzi, Engineering neMathematics asi kana dzisiri kushandiswa zvinoenderana nezviwanikwa zveZimbabwe, hazvibatsire zvakanyanya,” vanodaro.

Vanoti dzidzo yaishandiswa nyika ino isati yawana kuzvitonga kuzere yakaita kuti pfungwa dzevanhu dzive muhusungwa uye dzisatambanuke pakufunga.

President Mnangagwa vanoti dzidzo iyi yaingokurudzira chete kuti vadzidzi vafundiswe, vaite tsvakurudzo uye vadyidzane nenharaunda izvo zvisingabatsire kuti nyika isimukurire.

“Nzira iyi inofanirwa kuraswa. Inzira yakare nekuti zvichida tingafunge kuti yange yakanaka. Saka tiri kubuda mukeji iyi. Hatidi keji iyi, iyo yaiita kuti dzidzo isashandiswe zvizere.

“Tine kuvimba kukuru kuti senyika remangwana redu riri mupfungwa dzedu, mupfungwa dzevanhu vedu vane huchenjeri hukuru,” vanodaro President Mnangagwa.

Vachitaura nezvechirongwa cheBiotechnology and Advanced Reproductive, vanoti chinoenderana nedonzvo reHurumende rekuvandudza dzidzo.

President Mnangagwa vanoti chirongwa ichi chine hwaro mumizinda yekuvandudza fundo (innovation hubs) iyo iri kuumbwa nebazi redzidzo yepamusoro.

Chinhoyi University of Technology (CUT) ndiyo iri kutungamirira chirongwa chekukohwewa kwembeu yemabhuru emombe nekuchengetwa kwayo iyo inozoshandiswa mukuuchika mhou pasi pechirongwa chekuvandudza danga renyika.

Mbeu yemabhuru iyi ichazoendeswa kumativi mana enyika uko ichashandiswa mukuuchika mhou.

Dzimwe nhando dzemombe dzinoda kuzoburitswa kuburikidza nembeu iyi dzinosanganisira Mashona, Tuli, Brahman, Boran, Bonsmara, Simmental neBeefmaster.

 

Share This:

Sponsored Links