Tave kutyira vechidiki: Mafero

11 Feb, 2021 - 10:02 0 Views
Tave kutyira vechidiki: Mafero Joey ‘Mafero’ Antipas

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weChicken Inn Joey ‘Mafero’ Antipas anoti ave kutyira vatambi vechidiki kuti vanogona kurasika vakapedzisira votora zvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri zvichitevera kupedza kwavaita nguva yakareba vasingatambe nhabvu.

Nhabvu nemimwe mitambo yose yakamiswa munyika muno gore rapera munaKurume zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19.

Asi kune dzimwe nyika dziri muAfrica neEurope mitambo yave kuitwa munhandare dzisina vatsigiri senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Muhurukuro neKwayedza, Mafero anoti vechidiki vakaramba vachiregererwa vachisiwa vari vega vanosvika pakukanganisika.

“Tave kutyira vechidiki kuti vanogona kukanganisika, iye zvino vagarisa nguva ndefu vasina ari kuvacherechedza kuti vari kugara sei kudzimba dzavo nekwavanoswera. 

“Saka vanopedzisira vakanganisika vave kufuririka kutora zvinodhaka. Ndipo vanobva vakanganisika hupenyu hwavo ipapo.

“Saka ini kurudziro yangu ndeyekuti ngavashande nesimba vatevedzere zvavanoudzwa nevarairidzi vavo  kwete zvimwe zvose zvisina basa,” anodaro Mafero.

Anoti zvichitevera kupera kwemakore angade kusvika  maviri nhabvu isingatambwe munyika muno, kunyangwe vamwe vatambi vechikuru havachakwanisa kuramba vachitamba mutambo uyu nekuda kwemakore avo ekuberekwa.

“Vatambi vange vati kurei vazhinji vabva vatosiiwa nemakore nekuti kugara makore maviri usingatambe nhabvu zvinogona kuzokuremera kudzoka mumutambo uyu. 

“Saka zvakakosha kuti nguva iyi vachiishandisa kutsvaga zvimwe zvekuita muhupenyu hwavo, zvinosanganisira kutanga kudzidzira kurairidza nhabvu nezvimwe,” anodaro.

Mafero, uyo akamborairidza chikwata chenyika chemaWarriors, anoti pari zvino imwe nguva yake ari kuishandisa kuredza hove sezvo zvichimubatsira zvakanyanya kuzorodza pfungwa dzake.

“Ndinofarira zvikuru kuredza hove nekuti zvinombondizorodza uye kundivhura pfungwa. Pose pandinoenda kunoredza hove ndinenge ndichinzwa mweya wangu kusimudzirwa nekuti kunenge kune runyararo rukuru,” anodaro Mafero.

 

. . . vatambi vave ne’ngura’

MURAIRIDZI wechikwata chenetball cheGlow Petroleum Queens Perpetual Siyachitema anoti Covid-19 yakonzeresa kuti vatambi vazhinji vemutambo uyu vaite “ngura’’  sezvo nguva yarebesa vasina kumbokwikwidza.

Izvi zvinotevera kumiswa kwakaitwa mitambo yose munyika muno gore rapera munaKurume apo Zimbabwe yakatanga chirongwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown). Siyachitema anoti vatambi vemitambo yakasiyana vagarisa nguva ndefu vasina kumbokwikwidza  izvo zvave kutuma vamwe kuti vapedzisire vave kutsvaga dzimwe nzira dzekurarama kana kutosvika pakuroorwa vachisiya netball zvachose.

“Nguva yareba tisina kutamba bhora (netball), kugara hakuchanakidze asi tinongotevedzera mitemo iriko nekuti chakakosha hupenyu hwevanhu.

“Asi vatambi venetball nemimwe mitambo yakasiyana havafanire kugara kwenguva ndefu vasina kukwikwidza nekuti vanosvika pakuita ‘ngura’ nekuda kwekugarisa vasina kukwikwidza.

“Hongu, vanogona havo kunge vachiita gadziriro vari kudzimba asi kukwikwidza nekuita gadziriro zvinhu zvakatosiyana,” anodaro Siyachitema.

Perpetual Siyachitema

Anoenderera mberi achiti, “Vanhukadzi dzimwe dzenguva hupenyu hukaoma vazhinji vanozosvika pakuzoroorwa vopedzisira voita zveimba vachisiya mutambo wavanofarira. Saka isu tinoda kuti munhu azvisarudzire zvaanoda muhupenyu hwake,” anodaro.

Siyachitema akatanga kurairidza chikwata ichi mugore ra2013 mushure mekuchitambira kwemakore akawanda uye anoti dzidzo inokosha muhupenyu hwemutambi upi neupi.

“Isu kuGlow Petroleum, mutambi wedu wese anotoenda kubasa kuzviteshi zvedu zvinodira mafuta emotikari uye vamwe vechidiki tinotovaendesa kuchikoro vachitamba netball. Kana vapedza zvidzidzo zvavo vakapasa zvakanaka, ndivo vanotouya voita mamaneja kukambani.

“Izvi takazviona kuti zvinobatsira zvikuru kuti vasikana vedu vabatsirikane muhupenyu hwavo uye panguva ino yatiri apo netball isiri kutambwa vanotombobatsirikana sezvo vasiri kuwana mari kubva kunetball,” anodaro.

Siyachitema achagara ari munhorowondo yenetball muZimbabwe sezvo ariye akaita kaputeni wekutanga kutungamira chikwata chenyika chemaGems kuenda kumutambo weWorld Cup kuLiverpool, kuEngland mugore ra2019.

Share This:

Sponsored Links