‘Tave kuzvigadzirira zvatinoda’

26 Nov, 2020 - 16:11 0 Views
‘Tave kuzvigadzirira zvatinoda’ Dr Mangwiro

Kwayedza

Zvamaida Murwira

ZIMBABWE iri kugadzira pamwe nekuwana midziyo nezvimwe zvinodiwa mukurwisa chirwere cheCovid-19 uye yakagadzirira zvakanyanya kunyuka kechipiri kwedenda iri.

Vachitaura mudare reNational Assembly nemusi weChitatu apo vaipindura mibvunzo, mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana Dr John Mangwiro, vanoti kusiyana nakare apo nyika ino yaitenga midziyo iyi nezvimwe zvinodiwa kunze, iye zvino zvakawanda zvacho zvave kuwanikwa muZimbabwe.

Vanoti nguva yadarika nyika ino yaitenga kunze zvinhu zvidiki-diki zvinosanganisira masanitizer nemagirovhosi izvo zvave kugadzirwa muno.

Pamusoro pezvo, Dr Mangwiro vanoti Zimbabwe pari zvino yave kuvheneka nekuita dzimwe ongororo pamusoro pechirwere ichi yoga izvo zvaita kuti ive yakagadzirira zvikuru kurwisa Covid-19.

“Chazvakanakira ndechekuti tave kugadzira zvakawanda zvezvinodiwa munyika muno. Chikamu chinosvika 95 percent chezvatinoda chave kugadzirwa muno uye takagadzirira zvakanyanya kurwisa chirwere ichi,” vanodaro Dr Mangwiro.

Gurukota rezvemutemo nenyaya dzeParamende Cde Ziyambi Ziyambi vakaudzawo dare iri kuti Hurumende iri kugadzirisa dambudziko rekunyuka kweCovid-19 muzvimwe zvikoro.

Vaipindura mubvunzo wekuti Hurumende ichavharisa zvikoro here kana zvichitariswa kuti mune zvimwe vana vane chitsama vari kuwanikwa vaine Covid-19.

“Tinofanirwa kujairira toita mararamiro matsva uye kana pachinge panyuka chirwere torwisa kuti chisarambe chichipararira. Tinotarisa nyaya imwe neimwe yakazvimirira. Saka hatingavhare chikoro chekuManicaland nekuti pane chirwere chanyuka kuChinhoyi,” vanodaro Cde Ziyambi.

Izvi zvinotevera kunyuka kwakaita Covid-19 muzvikoro zvinosanganisira John Tallach High School iri kuMatabeleland North apo pane vana nevadzidzisi vanosvika 115 vakabatwa nechirwere ichi.

Hurumende svondo rino yakapa $150 miriyoni kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari yekucheresa zvibhorani muzvikoro nechinangwa chekuti zviwane mvura yakachena yekushandisa.

Kusvika nemusi weChitatu, vanhu 9 508 vakange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa.

Pavarwere ava, 8 336 vakatopona asi vamwe 274 vakafa.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vane denda iri vanove 3 358 uye pahuwandu uhu, 3 143 vakapona asi vamwe 121 ndokufa.

Bulawayo iri pechipiri nevanhu 2 094 vane chirwere ichi, 1 744 vakapona uye vamwe 79 vakafa.

Mashonaland Central ndiyo ine vanhu vashoma vabatwa vaine Covid-19 vanove 253 apo pahuwandu uhu 217 vakapona asi 13 vakafa.

Share This:

Sponsored Links